Rondedzero dziri nepakawanda

20 Feb, 2018 - 10:02 0 Views
Rondedzero dziri nepakawanda

Kwayedza

Ticha Danga
SEKUTAURA kwandakaita muchikamu chakapfuura, rondedzero dzine gwara radzinofamba naro iro rinoda kutevedzerwa sezvinoitwa masvomhu ayo anotevedzera nzira inodiwa kuti tisvike pamhinduro inodiwa chaiyo.

Rondedzero dzine mhando dzadzo dzakasiyana uye dzine muko wadzo unofanirwa kutevedzerwa kana tichida kubuda negoho rakasimba.

Tinoda kuti titevedzere mhando nemhando tichiona zvinodiwa kuti basa iroro rifambe zvakanaka. Tine mhando dzerondedzero dzinokwana kuita nhanhatu asi kungoti dzimwe dzacho hadzichanyanya kuitwa muzvikoro kana pabvunzo, asi dziriko.

Mhando yerondedzero yenhoroondo imhando inoda kuti munhu anyore pamusoro pezviitiko zveupenyu.

Munhu anofanira kunyora achitsanangudza zvakaitika kwaari kana kune vamwe vanhu. Zvinoda kuti munhu afunge zvakadzama pamusoro pechiitiko chakapfuura chakaitika kune vamwe vanhu kana kwaari.

Anogona zvakare kunyora achitsanangudza zvakaitika pane imwe nzvimbo. Chinodiwa apa kuburitsa utesve neugo hwekutsanangudza zvakadzama zvakaitika kuburikidza nekuzokanga mutauro kuti utapire.

Zvakawanda zvinoitika kwatiri muupenyu zuva nezuva. Zvimwe zvacho zvinogona kunge zvichifadza asi zvimwe zvinogona kunge zvichisuwisa.

Kuti goho rigokura mumhando iyi yerondedzero, munyori anofanirwa kuva nehutsanzi hwekutsvaka zvirungamutauro zvingakodza rondedzero yake. Pamhando iyi ndipo panopinda misoro yenyaya inoti, “Tsaona yandakapinda nemotokari”, “Zuva randisingakanganwi”, “Muchato wakandifadza” kana kuti “Zuva randakatanga kusvika pachikoro”.

Mhando iyi ndiyo yakati pfavei nekuti inongoda kuti munyori adurure zvaakaona kana kusangana nazvo. Ndiyo zvakare mhando yega inopa munyori mukana wekuita zvidavado nemutauro nekuti unenge wakati tambanukei.

Kune rondedzero yetsanangudzo apo munyori anotarisirwa kutsanangudza mamiriro akaita chinhu kana munhu. Chinhu chinotsanangurika chinhu chaunoona namaziso, kubata nemaoko, kunzwa nenzeve dzako kana kunhuhwidza.

Kana wonyora rondedzero yetsanangudzo, simudza muverengi umuise pachinhu chauri kutsanangudza kuti agochiona mumufananidzo kubudikidza nekugona kunyatsotsanangudza kwaunenge waita. Kana uchitsanangudza munhu kana chinhu usangobvarapfata kutaura asi kuti unofanirwa kuti zvierere nekuti haungotore chero nhengo yekutsanangudza uchingosanganisa asi kuti unobvirawo kumusoro uchidzikawo kumutumbi dzamara wasvika kumakumbo.

Mukati memhando yetsanangudzo ndimo munowanikwa mienzaniso yemisoro inoti, “Mudzidzisi wangu”, “Musha wedu” kana “Munhu wandinofarira”.

Mhando yehurukuro imhando yerondedzero iyo inoda vanhu vaviri kana kupfuura vanenge vachitaurirana. Kana tichinyora hurukuro hatifanirwi kuisa nyora pamazwi chaiwo anyakutaura. Tinonyora zita ranyakutaura toisa zvidonhwe (:) kwete kuisa zvidonhwegasva (;).

Ita kuti hurukuro yako inakidze kubudikidza nekutokonya pfungwa dzemuverengi nekuisa nhanganyaya inotapira. Hurukuro inofanirwa kuva nezvainoreva uye inofanirwa kusvika painoguma kwete kusara yakarembera zvokuti meverengi anosara akadzipwa. Pahurukuro unopihwa pfungwa dzekuti unyore wakarerekera ikoko.

Imwe mhando yerondedzero inogona kupihwa vana kuti vanyore ndeyekushandisa pfungwa dzechokwadi. Apa panodiwa kuti munyori ataure chokwadi nekuti zvinhu zvacho zvinenge zvichizivikanwa saka ukasataura nemazvo zvinotoonekwa kuti munhu uyu afoya.

Kana watosarudza musoro uyu chibva wanyatsoziva kuti une ruzivo rwakakwana pamusoro pawo. Ziva zvakare kuti kana usina ruzivo rwakakwana pamusoro wawasarudza, unogona kupererwa nezvekunyora iwe uchiri kure nekuzadzisa mwero wehurefu hwerondedzero hunodiwa.

Mubandiko umu ndimo tinowana misoro yenyaya inoti, “Mabikirwo enhopi”, “Kuruka nhava” kana kuti “Mabasa anoitwa muchirimo”.

Share This:

Sponsored Links