Rondedzero: Manyorerwo etsamba

07 Sep, 2018 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga

MUTENDA wedu tinaye uye shuviro yekuti anofanirwa kunaya kubudikidza nanachiremba vatakataura vaya namapiritsi nemishonga yatiri kumupa zuva nezuva kudzimba, kuzvikoro naimo mubepanhau reKwayedza. Mwana anofanirwa kumira neizvi kubva gore richitanga kusvika ripere.

Huri hwose naKatsande kusvika mutenda amira oga namaviri uye ogona kuzvipaka bota nekumwe kudya kungavapo. Kana tadai, tinochiyevedzwa nemabasa achabatwa nechigwindiri chiya chatakapepa dzamara chasimba.

Munguva ino yatiri, tinoti tadongorera mubvunzo kana kuti toti bvunzo ratova muberevere. Chatiri kungoita iye zvino kungoyeuchidzana nekuti dzidziso takapanana kare. Tava kungosunganidza paya pakasaririra uye kungoti tionesane patimire chaipo.  Tichiripo pakuti tikombere nyaya dzerondedzero idzo dzinokanganisa goho revana. Takabata mhando dzerondedzero dzakawanda, saka tati tibate tsamba idzo dzinowanikwa zvakare dziri mubandiko rerondedzero. Tinoda kuona manyorerwo etsamba nekuti rumwe ruzivo rwunoti tsamba ndiyo nzira iri nyore kuwana nayo zvibodzwa pabvunzo.

Tsamba idzi dziri paviri. Kune tsamba dzinonyorwa kushamwari nehama dziri dzekukwazisana nekuzivisana zvinenge zvichiitika. Kunozoitawo tsamba dzinenge dziri dzebasa.

Ndinoziva kuti vamwe vangati tsamba mukore uno inonyorwa nani iko kwangozara nharembozha. Hongu, kunyorwa kwetsamba kwava kushoma asi nemhaka yekuti takatarisana nebvunzo, tinofanirwa kutarisa tsamba idzodzo nekuti mubvunzo dzirimo.

Tsamba yehushamwari inongoda kero yemunyori iyo inotangira pakati pepepa rairi kunyorerwa tichienda kuruboshwe. Sekudzidziswa kwatakaitwa, kero iyoyo haiiswi zvidonhwe uye haina mazwi anonyorwa muchidimbu.

Kana kero yapera panonyorwa, hapo zuva ranyorwa tsamba iyi mushure mekudarika mutsetse tichidzika. Kana tapedza kero, tinodarika mutsetse toswedera kuruboshwe kwepepa tonyora remekedzo yemunhu watiri kunyorera tsamba sekuti, Vanodiwa tete. Kana tadaro tochidzika kupinda mumutumbi wetsamba tichirangarira kuti tsamba yedu tainyorerei.

Mutumbi wetsamba ngaunyorwewo muzvikamu zvinokochekerana zvakanaka sengetani dzegejo. Mutsamba yemhando iyi tinobvumirwa chose kumhoresa vose vatada vakarerekera kumumhu anyorerwa tsamba. Kupera kwekwaziso kunouyawo kunyorwa kwezita remunyori wetsamba. Nemhaka yekuti munozivana nemunhu wawanyorera, hapana chikonzero chekunyorera zita rizere asi kuti unongonyora rekutanga.

Tsamba yepiri iyo inova ichiri kunyorwa nanhasi ndeyebasa. Iyi tsamba ine muronga wayo wekuti unotofanirwa kutevedzerwa zvekuti chero pabvunzo zvinotariswa izvozvo.

Tsamba iyi inonyorwa nekero mbiri. Kero yekutanga inobva pakati pepepa ichienda kurudyi sezvinongoitwa yeushamwari. Inonyorwawo isina zvidonhwe kana mazwi akadamburwa.

Mushure mekunyorwa kwezuva ranyorwa tsamba, tinodzoka kuruboshwe mushure mekudarika mutsetse tonyora kero yepiri yekuri kuenda tsamba.

Tapedza kero iyoyo, tinobva taenda kunopa ruremekedzo kune watiri kunyorera. Iyi tsamba inoda kunyorwa donzvo rayanyorerwa iro rinonyorwa napaviri.

Kana wanyora kuti donzvo chisarudza kuti unoda kurinyora namavara makuru kana madiki nekuti unotara mutaro pasi kana wanyora namavara madiki.

Wapedza, chipinda mumutumbi uyo unoda kuti utaure pamusoro pedonzvo rawanyorera tsamba chete. Wadaro, chinyora zita rako pazasi zvizere sekudzidziswa kwawakaitwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>