Uncategorized

Rudo ava nepamuviri…Anoronga zvekuenda kumurume wake

30 Jan, 2015 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
l “PAFUNGE” naT.K Tsodzo Bhuku Idzva “A” Level
CHITSAUKO 1 (Nyaya yacho)

Pamishoni yeMharapara apo tinosangana naMufundisi Lovedale mukuru wechikoro ichi, uyo ari kunetseka nenyaya yekuti musikana anonzi Rudo uyo ainge ana amai vainge vakazviuraya makore gumi nemasere akapfuura uyo vainge vachengeta upenyu hwake hwose, ainge aitiswa pamuviri nemumwe mukomana wake mwedzi mina yadarika.

Zvino Rudo uyu ainge afunga zvekuenda kumurume wake, Mufundisi Lovedale ndokumudaidza kuti vambokurukura naye vari mumba yokutandarira.

Vanoti kwaari havagoni kumudzivisa, ngaaite zvaanoona kuti zvakamunakira kana aona mberi kusina kunaka ngaarege kutya kudzokera kumusha kwake.

Rudo ari kupfikura kuchema, mufundisi ndokuti kwaari anyatsoteerera vachida kuonekana naye nemashoko mashoma ekumurayira.
Rudo anozvisimbaradza mwoyo kwava kubvunza kuti zvaainge asina kumbogara, ainokwanisa kugara here nevanhu vaive kwaaienda.

Mufundisi ndokumupindura vachiti upenyu hwakaita somuti uyo unoti midzi yawo ikangotemwa chete, muti unobva wafa, maruva ezvibereko zvawo achibva asvava.

Rudo apo anosvika muGweru, aisirangarira mashoko aya misodzi iri pamatama ake.
Musi uyo anoenda, mufundisi Lovedale vanoti kwaari ngaasarege Satani achimubata ruwoko omutungamirira murima. Anobva anzi achienda zvake kunorongedza zvinhu zvake, kuti vazoenda naye kubhazi.

Rudo anofungisisa pamusoro pezvakaitika kwaari muGweru achibva kuchikoro apo akaonana nemukomana wake Joe Rug, uyo aiona semunhu asingafananidzwi naSatani, achine pfungwa yakanaka pamusoro pemuchinda uyu.
Kunze kunopfunha kwozogasa ndokuzodzoka asi usisiri mubvumbi chaiwo asi kutoti mvura chaiyo.

Pfungwa yekusiya musha nehama dzake zvinobva zvaitawo kuti Rudo anyanyise kuchema apo ainge achirongedza nhumbi dzake, oona seari kuenda zvekusazodzoka zvakare.

Ari kuchema kudaro, mufundisi Lovedale vanombouya kuzomunyaradza nekumuti agonyora tsamba kana pachinge pane chinenge chichimunetsa.

Ongororo
Chitsauko ichi chizere nemusambo uya wekurondedzera rungano (narrative style) asi mutauro wacho uchigona kuita kuti muverengi anakidzwe nebhuku iri.

Pane zvinhu zviviri zvatinoona zvichiti tushurei misoro yazvo mukunyora uku. Chatinotanga kusangana nacho kushandiswa kunoitwa siyaniso (contrast).

Kunyora kwakadai kunoita kuti tione musambo uyu: “Amai vaRudo vachiri vapenyu, mishoni yakanga ichiri kachikorowo zvako kaingova negiredhi rechishanu chete uye nekakiriniki.

Dzimba dzaivapo dzese dzakanga dzakapfirirwa nouswa asi kuuya kwakaita Mufundisi Lovedale, Mharapara mishoni yakabva yaita chikoro chikuru kwazvo.” (1)

Enzaniso tinonhongana nadzo pano neapo. Yekutanga ndeinopamhidzira kuratidza kushushikana kwaiita Rudo panguva iyi.
Kunze kuri kunaya mvura izvo zvinobva zvaiita “sezvapindiridza mumba nomumwoyo yavaitaurirana ava” (1).
Yepiri tinosangana nayo apo inotitaurira maererano neupenyu.

Mufundisi Lovedale vanoti upenyu hwakaita “somuti” unoti ukangotemwa midzi yawo chete, zvese zvine upenyu mazviri zvinobva zvafa.

(Enderero mberi svondo rinouya)

Share This:

Sponsored Links