Rufu rwekuzvitsvagira

29 Aug, 2014 - 09:08 0 Views
Rufu rwekuzvitsvagira

Kwayedza

Catherine Murombedzi
MUIMBI wechidiki ane mukurumbira anozivikanwa nekunzi Jah Prayzah asi rake chairo achinzi Mukudzei Mukombe akaimba rwiyo pamusoro perufu rwekuzvikokera.
Rwiyo rwake rwakanangana nemukoma wake aishanda kuSouth Africa waanoti akaita rufu rwekuzvisarudzira vamwe vachifa netsaona. Anozoenderera mberi achiimba nezvemhuri yasiiwa nemushakabvu iyo ichiri diki.

Ichokwadi, zvinotaurwa kuti hupenyu hwemunhu wese huri mumawoko ake asi pakuzosvika pakuzviuraya ndipo pane musoro wenyaya yesvondo rino nekuti nyangwe zvikaoma sei hazvikodzeri kuti munhu ati hwangu hupenyu ndakuhupedzera pano. Kwete, handiyo nzira yekupedza matambudziko.

Yave garoziva kuti ichokwadi AIDS hairapike asi kuti ukazvitambira kuti ndizvo zvavapo muhupenyu hwako nekutevedzera zvaunenge waudzwa nanachiremba pamusoro pemaARV aunenge wava kunwa unorarama sezvinoitwawo neasina.

Munguva ino yatiri yatava nemaARV ayo anoita kuti chirwere chideredzwe huturu kuchine vamwe vanhu vari kuti vakawanikwa vaine utachiona hweHIV vanobva vazvitongera rufu ipapo.

Nyangwe zvichinzi nyadzi dzinokunda rufu, dzingave nyadzi rudzii dzekuti ndawanikwa ndiine HIV saka vanhu, murume kana mudzimai wangu angazoti chii naizvozvo zviri nani kuenda kwamupfiga nebwe. Uku ndiko kutamba nehupenyu chaiko  vamwe vachitokumbira kuwedzerwa makore ekurarama kunyangwe vave pamusuwo werufu.

Kune chiitiko chakaitika kuChipinge masvondo matatu apfuura apo murume ane makore 32 ekuberekwa akazvisungirira mushure mekuwanikwa aine utachiona hweHIV.

Izvi zvakaitika mubhuku rekwaMatyabadza. Mutauri wemapurisa Assistant Inspector Blessing Kadzuraumera vanoti murume uyu anonzi Rekayi akadzoka kubva kuSouth Africa kwaishanda nekuda kwekurwara. Ainge aenda marimuka mugore ra2011 akazodzoka musi waChikunguru 24 gore rino ava pamutepatepa.

Hutano hwake hwakaramba hwangonanga kumawere kusvika mukoma wake ari kuSouth Africa amufonera kuti aende kuchipatara anoongororwa kuti haana utachiona hweHIV here.

Ipapa ndipo pakatangira bongozozo rose rakazosvitsa murume uyu kuti apfuudze hupenyu hwake.

“Akaenda kukiriniki yekuChipinge musi waNyamavhuvhu 1 akanoongororwa ropa, akawanikwa aine HIV.

Akadzoka kumba akaudza mudzimai wake anonzi Shylet Mhlanga (25) kuti ava neHIV. Husiku hwakare ihwohwo Rekai akanyangadikira muchisango chiri pedyo nepamusha pavo. Vehukama vakaita chipata-pata kumutsvaga.

Mutumbi wake wakazowanikwa uchirembera mumuti naamainini vake vanonzi Mavis Shumo ava mangwana acho,” vakadaro Ast Insp Kadzuraumera.

Vakazopedzisira nekurudzira veruzhinji kuti kana vane zvinovanetsa vaedze kuzvitaura navanamazvikokota avo vane ruzivo rwekupanga mazano pane kuzvigumisira hupenyu panzira vosiya vana dzava nherera.

Maitiro edu ose panyika ane mubairo, hazvinei kuti akanaka kana kuti akaipa nekudaro zvava kumunhu wega-wega kuti uone kuti unotura befu wasvika here kana kuti usati asi semaziviro angu tinotura befu tasvika.

Tikadyara mbeu tichiita yekumwaya imwe inowira paruware, imwe muminzwa apo yeparuware haibude ukuwo nerimwe divi yemuminzwa inobuda asi makuriro acho inenge yakamanikidzana zvinoita kuti goho racho rive renzara.

Zvimwe chetezvo nehupenyu, usati chese chawaona wabata nekuti chimwe chinozokusvitsa pakukungura nemurufu.

 

Share This:

Sponsored Links