Runyararo muZim: Seke Mutema

08 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

ZVIZVARWA zveZimbabwe zvokurudzirwa kugarisana murunyararo zvisinei nekusiyana kwemafungiro uye kushanda pamwe chete mubudiriro yenyika.

Kurudziro iyi yakaitwa nemuimbi ane mukurumbira mumusambo weJazz – Noel ‘Seke Mutema’ Tsungai Murerwa – mushure mekubudisa dambarefu rake rechipiri rinonzi Itai Tiseke.

Murerwa akambonetsa nekambo kane zita rake remadunhurirwa – Seke Mutema – ako kaakabuditsa muna1997.

“Kuimba kwangu ndinokutora senzira yekudzidzisa veruzhinji kuti vagarisane zvakanaka munharaunda. Ndakanga ndambomira zvekuimba izvi nekuridza kwemakore akati kuti asi ndadzoka zvakare nechinangwa chekuparidzira shoko rekuvaka pamwe nekuchengetedza runyararo munyika medu. Chinangwa chikuru chekuimba kwandinoita kupa mashoko anoita kuti vateereri nevatsigiri vangu uye ani nani zvake anoteerera zvindinoimba ave nehunhu hwakanaka,” anodaro Murerwa.

Murerwa anoti padambarefu rake idzva iri akasanganisa nziyo dzeChiShona, ChiRungu pamwe neNdebele kuti abate vatsigiri vake vose sezvo iri iyo mimwe yemitauro mikuru muZimbabwe.

“Padambarefu idzva iri ndakanyanya kuwanza hosho, marimba uye mbira kuti zvinyatsova nemidzi mutsika dzedu dzemuZimbabwe. Zvose izvi kuda kudzoreredza tsika nehunhu hwedu pachivanhu. Padambarefu iri, pane kambo kanonzi Vadare. Kambo aka kanopa dzidziso yekuti pese panoungana vanhu vachironga kana kupangana mazano vanofanira kutaurirana zvakanaka vachinzwisisana. Zvinhu zvakawanda zvekuti vanhu vanogona kusiyana mafungiro zvinosanganisira zvine chekuita netsika dzedu, magariro edu, chinamato kana zvematongerwo enyika. Ndinofara chaizvo kuti nyika yedu ine vanhu vane runyararo uye vasina mbiri yekugara vachirwisana naizvozvo ndinongoti mweya werunyararo urambe uri matiri senyika,” anodaro. Dambarefu idzva iri rinosanganisira nziyo dzinoti Yahweh, Eloi inova yeNdebele nedzimwe.

 

Share This:

Sponsored Links