Rusununguko rwodzika midzi

16 Apr, 2015 - 00:04 0 Views
Rusununguko rwodzika midzi

Kwayedza

MUSI weMugovera tiri kupemberera makore makumi matatu nemashanu nyika yawana kuzvitonga kuzere. Zvizhinji zvaitika kubva pakapera hondo yeChimurenga Chepiri – kuuya kwerusunungoko nekuzvitonga kuzere musi waApril 18 1980 kusvika patave nhasi uno.

Makore 35 akawanda zvokuti vakazvarwa muna1980 vatove vana amai nanababa vane dzimba dzavo. Vamwe kana vakakurumidza kuwana, vatove navazukuru. Kanapowo, Zimbabwe yatovewo navazukuru.

Tinotarisira kuti zvimwe zvakawanda zvichauya zvichipfachukira, kunyanya takatarisa dingindira regore rino: “Zimbabwe @ 35: Consolidating Unity, Peace and Economic Sovereignty.” (Zimbabwe@35: Kudzikisa midzi yokubatana, runyararo nemasimba ezveupfumi.)

Haasi manyepo kana kukubatai kumeso kana vane chiono vachikuudzai kuti pfavirai ngoma, usiku hunoenda kure nokuti ramangwana reZimbabwe rakajeka uyewo rizere nemaguta nemufaro. Rega kufunga nhamo yanezuro, uise chinangwa pane ramangwana.

Mugore ra1979 kune vakaudzwa kuti hondo yerusununguko yave kupera, nyika yowana kuzvitonga kuzere, asi vakati ndezvokupenga. Iyo hondo yanga yarwiwa makore akawanda kudaro yaizopedzwa nei?

Asi vaive norudairo, vakaziva kuti hapana chinoramba, nokuti kana chinhu chatanga, chasara kupera kwacho. Kana chapera, zvoreva kuti kune chitsva chinotangwa zvakare. Ndosaka zvichinzi, upenyu ivhiri.

Tasvitsa makore 35 mutungamiri wenyika Cde R.G. Mugabe vari panyanga. Vamwe vakambofunga kuti zvavo zvakuva semazhanje, asi vakashamiswa kuvaona vave kudzoka vatove moto muzhinji, zvigaro zvacho vave kuita mutsiga mombe, mbudzi ihata.

Kana nzendo dzavave kufamba dzave dzokuratidza kuti havasisiri mutungamiri weZimbabwe chete, asi kuti weAfrica yose.

Ndosaka ndafunga kubatanidza mashoko eIndependence nezvakataurwa naPresident Mugabe pavakashanya zviri pamutemo kuSouth Africa svondo rakapera, kunyange zvichirwadza kuti zvizvarwa zveSouth Africa zvaramba zvave kungoda kupandukira zvimwe zvizvarwa zvomuAfrica.

Nyaya ye”xenophobia” iri kutsviriridza kudunhu reKwaZullu-Natal inodzorera rusununguko rweAfrica yose kumashure. Musiyano wavo nemagandanga eBoko Haram kanaAl Shabaab uri papi?

Zimbabwe pairi kusimudza mureza wokubatana, runyararo namasimba ezvoupfumi, ivo vari kudzinga, kupisa nokuuraya vanhu vakanotsavaga chouviri munyika mavo, vachitadza kutora masimba oupfumi kuvachena vakavagara matunduru mazana namazana amakore.

Cde Mugabe pavakanosangana nemutevedzeri wemutungamiri weSouth Africa, Cde Cyril Ramaphosa, gurukota rinoona nenyaya dzokunze muSouth Africa, Cde Maite Nkoana-Mashaba vakati kwavari: “Mauya nemvura”, nekuti kwakange kuchinaya.

Mutungamiri wenyika vakati: “Takaenda kuNamibia kwaigadzwa mutungamiri, kukanaya. Tichibva ipapo, takaenda kuAlgeria, kukanaya zvakare. Tichibva kuAlgeroa takaenda kuAddis Ababa, kuEthiopia, kukanaya zvakare.”

Cde Ramaphosa vakabva vati kuna President Mugabe, “You are the rainmaker,” (muri munaisi wemvura). Vakaseka zvavo asi, mvura mucherechedzo woupenyu.

Mvura inopedza nyota, inomeresa mbeu inounza kudya kwakawanda. Mushoko raMwari pachiKristu, mvura inomirira Mweya Mutsvene. Apa napapa ingaparadza, asi chikuru inomirira upenyu.

Ndosaka vesangano rechiKatorike vachiimba nokurumbidza vachiti:

Iwe denga, naisa dova

Iwe denga, makore donhedza ururami!

Zvave kwauri kuona kuti President Mugabe vachienda kunyika dzose idzi munguva shoma shoma, mvura ichinaya zvaive mucherechedzo wei.

Kwandiri zvinokombera dingindira rokupemberera Independence yegore rino. Budiriro yave kudiwa muupenyu hwavanhu kwese kwese. Midzi yerusununguko ngairambe ichidzikiswa, vanhu vobatana nokudya vachiguta murunyararo kuitira kuvandudza mabasa namasimba ezvoupfumi. Zvose izvi zvinoda mvura.

Share This:

Sponsored Links