‘Ruzivo rwezveutano rwakakosha’

29 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO reMedecins Sans Frontieres/Doctors Without Borders (MSF) rinoti kusawaniswa ruzivo rwakakwana rwuri pamusoro pezveutano kune veruzhinji kuri kukonzera kunyuka kwezvirwere zvepabonde uye kushungurudzwa kwevanhukadzi pabonde.

Sangano iri rinoti vanhu 7 400 vakapindana netsekwende dzekumbunyikidzwa nenzira dzepabonde vakawaniswa rubatsiro rwekurapwa uye kupangwa mazano pachena kukiriniki yeMSF inodaidzwa kunzi Edith Opperman Clinic iri kuMbare, muHarare kubvira gore ra2011.

“Pavanhu ava, chikamu che43% bedzi ndicho chakakwanisa kutsvaga rubatsiro rwekunorapwa mukati memaawa 72 kuti vange vachidzivirirwa kubva mukutapurirwa zvirwere zvepabonde, HIV uye kubata pamuviri. Sesangano reMSF, tinokurudzira veruzhinji kuti vakasike kutsvaga rubatsiro pavanenge vambunyikidzwa nekuti kunonoka kunowedzera matambudziko,” vanodaro Dr Daniela Garone, avo vanova MSF Medical Coordinator muZimbabwe.

Vanoti kushungurudzwa nenzira yebonde chinhu chinokanganisa munhu zvekuti vamwe vanogumisira votora upenyu hwavo, kukuvadzwa kana kutapurirwa utachiona hweHIV nekupihwa pamuviri pasina kurongeka.

“Zvisinei nematanho ose atiri kutora seMFS kuti tideredze kunonoka kumhan’arwa kwenyaya dzechibharo pakati pemadzimai nevarume, takaona kuti kune zvimwe zvikonzero zvinoita kuti vanhu vanonoke kumhan’ara zvakadai senyaya dzerusarura, kushaya moyo wakanaka kwevamwe varapi, kushaya ruzivo nezvekuipa kwenyaya idzi kune veruzhinji uye kuparara kwewanano pakati pezvimwe zvikonzero,” vanodaro Dr Garone.

Dr Garone vanoti pakati pevanhu 7 400 avo vakarapwa nesangano ravo, chikamu che68% ndechevana vari pasi pemakore 14 uye chikamu che84% chenyaya idzi vapari vemhosva vanhu vanotozivikanwa nemunhu anenge ambunyikidzwa apo vazhinji vacho vari nhengo dzemhuri kana vashandirwi.

Ongororo yakaitwa nesangano iri inoratidza kuti nyaya dzemhirizhonga yepabonde dziri kunyanya kuitika munzvimbo dzinogara veruzhinji sekuMbare, mumakombi kana kumisika.

Sangano reMSF riri kushanda nedzimwe nhengo dzemunharaunda iyi dziri munyaya dzezvemitambo, mimhanzi dzinova dzakabatsira zvikuru mukushambadza mashoko echenjedzo pachirongwa che16 Days of Activism Against Gender Based Violence.

“Kumbunyikidzwa kwevanhu pabonde, vangava varume kana madzimai nevasikana vanenge vari kusangana neizvi, tinoti zvinhu zvisingatambirike mukurarama kwedu.

“Hazvidiwe zvachose nekudaro ngatirwirei kupedza nyaya idzi pamwe nekubvisa nyaya dzerusarura idzo dzinoita kuti vanhu vasabuda pachena apo vanombunyikidzwa kodzero dzavo nekuti zvinoita kuti vakundikane kurapwa nenguva,” vanodaro Dr Garone.

Zvakadai, sangano reMSF rakabatana nevaimbi veHouse of Smiles richaparura rwiyo nefirimu nedonzvo rekurwisa nyaya dzemhirizhonga yepabonde. MSF ichashanda nevaimbi vanoshanganisira Edith weUtonga naRas Caleb.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>