Uncategorized

Rwendo rwuno kwayedza yakachiona

30 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Rwendo rwuno kwayedza yakachiona Mapupu

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VATORI venhau veKwayedza svondo rapera vakachiona apo vakapotserwa matombo aingobva mumhepo, imba ndokubatira moto apo vaiva pakati kubvunzurudza nyaya yeimwe mhuri yekuBikita, kuMasvingo, iyo yatambudzwa nezvinhu zvisiri kuzivikanwa kuti zvii.

Mhuri yemubhuku raMakuwe, kwaMambo Mukanganwi, kwaNyika, yatambura nekutemwa ichipisirwa musha nezvinhu zvavasingaone.

Vanotaura vanoti aya mabasa ekamhuka kanonzi sandawana, zvidhoma kana zvikwambo.

Apo munyori uno, mutori wemifananidzo Nicholas Bakili nemutyairi weZimpapers Charles Nyakudya vaive pamba paMbuya Easther Shava Makuwe (67), vakaoneswa ndondo nemabwe akangotanga “kunaya” achivatema achibva mumhepo.

Panguva imwe chete iyi, moto wakabva wabatira woga pane imwe imba yepamusha uyu.

Bakili

Bhaisikopo remahara iri rakatanga apo Mbuya Makuwe vaiva vakatungamidzana nevatori venhau vachipinda pagedhi repamba pavo vachitevedzana nemwanasikana wavo Beauty Mawire (48) nemwanakomana, Last Makuwe (32).

Apa vaitodzoka pamusha uyu kuti varondedzere kuKwayedza zviri kuitika sezvo vose vasisagarepo vachitiza dambudziko iri.

Matombo akangotanga kupotserwa achidarika nemukati mevanhu.

Last ndiye akatanga kuridza mhere achiti, “Matombo aye atanga!”

“Zvatanga, vakomana tizai matombo aye atanga! Zvino todiiko veduwe? Amai tizai, hendei kunze kwemusha,” anodaro achizhamba uye achitiza akabata musoro nemawoko ose.

Nyakudya

Mazitombo akawanda akadarika nepakati pemutori wenhau uno nevamwe vanhu apo aitevedzana naLast pakufamba, Bakili ari wechitatu kumashure.

Bakili akapotswa nezidombo pachipfuva uye munhu waizokaruka wanzwa mhepo inenge ichivhuvhuta nekuda kwesimba rekupotserwa raiva nematombo aya. Dai akabata munhu, kana nyaya ino ingadai iri kurondedzerwa nepamwe.

Matombo aya akanowira chinhambwe chingaite mamita gumi kubva pataiva, uchiona kuti hana dzedu tose dzainge dzorova zvakanyanya nekutya.

Bakili akabva ati chitsoka ndibereke apo aidaidzira kumutori wenhau uno kuti asiyane nenyaya iyi, tibve pamusha apa.

“Mukoma Kingstone pano paipa, hatisiyanei nazvo izvi. Tinofa mukoma pano. Honai mamwe matombo ari kuuya mudenga ayo. Aaa, ini ndave kuenda vakomana, Nyakudya mutsa mota shaas tibve pano!

“Hande kuseri kwedzimba uko. Mariona here zidombo rakupotsai mukoma? Pano pashata,” anodaro Bakili achitizira kumiti yemichero iri pamusha uyu.

Vana vepamusha uyu vanosanganisira Sabhuku Makuwe, Last, Beauty naMbuya Makuwe panguva iyi vose vakanga vave kupopota nekunamata vachituka zvinhu zvavaisaona.

“Honai musha wazara matombo vanangu, zvabva zvaitika muri pano. Handizive kuti ndakatadzei ini? Ndotizira kupi?

“Ndiwo musha wandakasiirwa nemurume wangu apo taingonamata tose. Hatina chatakabata chakaipa wani,” vanodaro Mbuya Makuwe vachingomhanya-mhanya nechivanze. Panguva yaiitika manenji aya, mutyairi Nyakudya akavhetemetsa motokari nemumunda wechibage ave kutya kuti yaigona kutemwa nemazitombo aya achibva anoimisa kure nemusha uyu. Apo vanhu vaimhanyiswa nematombo, imwe imba yekubikira yepamusha pemumwe mwana waMbuya Makuwe yakabva yabatira moto, ndokutanga kunganduma pamberi peKwayedza.

Vanhu vemhuri iyi, kusanganisira vatori venhau, vakaedza kuswedera paimba iyi asi vakatambirwa nematombo.

Vatori venhau vakaita chivindi vakasvika paimba yaitsva iyi apo mamwe matombo aipotserwa achibva mukati merimi remoto wemba yaitsva kuita sekunge mumoto uyu maiva nevaiakanda.

Matombo aya akazowanda vatori venhau ndokutiza vonanga kumotokari yavo apo vemhuri iyi vakadzingirirwa nawo kunosvika kuchechi yavo yeZCC, chinhambwe chingaite mamita 300.

Vatori venhau vakazonomira vave pedyo nechechi iyi apo vakazoonekana nemhuri iyi vodzokera kuHarare – hana dzavo dzichidandaura kurova sengoma yeJerusarema.

“Mazvioneraka vanangu? Ndiro dambudziko randinaro nemhuri yangu kuno. Endai munozivisa vanokwanisa kutibatsira, ini ndatambura pamusha wandakasiirwa nemurume wangu.

“Hatina mushonga watakambobata, tose tainamata,” vanodaro.

Zvakadai, nyaya dzekutsva kwemisha nemoto unongotanga woga dzinomboitika kunzvimbo dzakasiyana dzenyika uye nguva yadarika kune imwe imba yemhuri yekuGuruve, kuMashonaland Central, iyo yaingobatira moto yoga.

KwaZimunya, kwaMutare, kune musha waingotanga kutsva woga zvakare.

 

Share This:

Sponsored Links