Uncategorized

Rwendo rwuya rwarumwa negurwe

17 Dec, 2014 - 08:12 0 Views

Kwayedza

naErnest Muchena
ZVIKORO zvakapfigwa mazuva apera ayo. Zororo rekubatana kwemhuri yeZimbabwe (Unity Day) ririko musi waZvita 22. Zororo reKisimusi rinobva ratevera richinotitsveta muGoredzva.

Zvose izvi zvichaunza kufamba kwakanyanya nemotokari pamwe nemadutavanhu. Chinyorwa chino chichaedza kuburitsa zvatinofanirwa kutarisa kuti mangwana tisazochema tichiti, “Rwendo rwuya rwarumwa negurwe.”

Kufamba nemotokari yako, kuongorora mota:

Kufamba nemotokari yako kunoda yakasimba. Tisati tapinda parwendo tingada kuziva kuti mota iyi inotisvitsa here kwatiri kuenda.Chipangamazano wako ndimakanika kana garaji rinobata mota yako.

Hurumende ine bazi reVehicle Inspection Department (VID) vanoita anonzi ma“voluntary inspections”. Izvi zvinoreva kuti unokwanisa kutyaira motokari yako wakananga kwavari vonoiongorora. Pane kamuripo kashoma-shoma kanobviswa. Hupenyu hautengwe.

Bazi iri reHurumende rinanamazvikokota vanotarisa mota vokupai tsamba yekugwinya kwayo kana kuti gwaro rinodonongora twakafa. Makanika kana garaji renyu rinowana pekutangira. Madhepoti eVID aya akatekeshera nenyika yose yeZimbabwe. Hazvibatsire kuita mahandioni-oni ndakarumwa nemago uchifambisa mutendawasvika wemotokari ivo vanachipangamazano vakakumirirai.

VeVID vanovimbisa zororo roga-roga kuti vanoendesa vashandi vavo pamugwagwa vachizongokumisai nemota yenyu votarisa magwinyiro ayo. Vane simba rekumisa mota dzinotakura vanhu PAMWE CHETE nediki dzeduwo pachedu.

Musi werwendo:

Musi werwendo wakakosha kumutyairi ane hanya. Musi iwoyo mutyairi anoongorora mota yake iye omene. Chekutanga anokudubura kumberi kuya kubhoneti otarisa mvura, oiri, bhureki furuidhi, ATF nemabhandi anonzi ma“fan belt”. Ndiyo nguva zvakare yekuchitarisa kuti hapana here tumawaya-waya twakarembera.

Zvatanyora pamusoro izvi zvinhu zvinokwanisa kuti rwendo rwurumwe negurwe. Mutyairi akangwara anozobva oenda panze pemota otarisa matayi ake pamwe nezvimwe zvinobaka. Anoona kuti magetsi emabhureki ari kubaka here. Ndipo anoona kuti ma“indicator” ari kushanda here uye iwo magetsi acho anova ndiwo maziso emotokari pamugwagwa ari kujekesa zvakanaka here.

Matayi anofanirwa kuve aine matsimba, asina kupferenyuka uye pasina pakazvimba pangazoputike. Kuputikirwa netayi kune njodzi hurusa uyezve kunodimburira rwendo panzira.

Wave mukati:

Kana mutyairi ave mukati anogara panzvimbo yake ogadziridza chigaro chake zvakanaka. Kugara akamanikidzika kunonetesa mutyairi. Anoona kuti zvioni-oni zvinoratidzisa kumashure zvakateyiwa zvakanaka here. Anotsika mabhureki kuti anzwe kuti aripo here. Kana gumbo rikanyura pasi zvinogona kutokuzivisa kuti mabhureki ave mashoma kana kuti apera. Mutyairi anoona zvakare kuti madhoo avhara here uye vatakurwi vasunga mabhandi.

Kutakudza mota zvakanyanya:

Mumota munogona kupinda vanhu vakawanda votsikirirana sembeva asi vanenge vachitozvisikira moto muziso. Kuremedza mota kunounza matambudziko akati wandei. Mota yakaremerwa inotonetsa kuichengetedza pamugwagwa. Inondeya kana kuerekana yakukanda musango. Pakupindira dzimwe mota inogona kukupinza mutsaona usingafungire. Mota yakaremerwa inogona kuputitsa matayi.

Mhedziso:

Tisati tapinda pamugwagwa ngatiendesei mota kunanamazvikokota. VeVID vakatomirira vanounza mota idzodzi kuzovhenekesa kwete vaya vanomirira tsaona. Ukadaro rwendo rwunoita mutserendende. Pazororo rino ngatitakurirei zvakaringana nemhando yemotokari kwete kuremedza mota.

Makorokoto, ivai nezororo rekubatana “Unity Day” nereKisimusi rakanaka.

 

Share This:

Sponsored Links