Uncategorized

Sabhuku wekushinha Nemuroora otongwa

16 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Sabhuku wekushinha Nemuroora otongwa Edmore Chitauro

Kwayedza

Kingstone Mapupu
TEZVARA wekwaNyamweda, kuMhondoro, wekunzi akabatikidzwa achishinha nemuroora wake musango remapuranga zvikazopa kuti muroora uyu afe nekunwa muchetura nekuda kwenyadzi, ava kuzomiswa mudare ramambo weko achitarisana nemhosva yekuita makunakuna.

Simon Chitauro (65), uyo anovezve Sabhuku Chitauro, anonzi masvondo mashoma akadarika akawanikidzwa achiita bonde nemuroora wake – mushakabvu Sarudzai Ganyiwa (42).

Sarudzai anga ari mudzimai waEdmore Chitauro (48) uyo anove mwanakomana waSimon.Muroora uyu anonzi akafa svondo radarika zvichitevera kunwa kwaakaita mushonga nenyadzi dzekufumurwa kwake navatezvara ava.

Tezvara nemuroora ava vanonzi akawanikidzwa nemwanakomana wasabhuku uyu – Lucious Chitauro – uyo anonzi akazonoudza amai vake, Charity Mudarikwa (62), nezvemashura aya.

Mambo Nyamweda

VaMoses Utete (86), avo vanova baba vaSarudzai, vanotsinhirawo nyaya yekuti mwanasikana wavo akawanikidzwa “achigovera” tezvara vake “zvinoyera”.

Mhuri yekwaChitauro yakatoripiswa mombe ina nembudzi nemhuri yekwaGanyiwa pamusoro penyaya iyi.

Nyaya yemakunakuna iyi inonzi yakazokwidzwa kudare raMambo Nyamweda nemhuri yekwaChitauro yakabatana neyakwaGanyiwa.

Mambo Nyamweda, VaClaudious Mandaza, vanotsinhira kuti vakatumira masamanisi ekushevedza tezvara ava kudare ravo.

“Vakauya vanhu vemhuri mbiri dzinoti vekwaGanyiwa vanova vabereki vemuroora anonzi akawanikwa achiita bonde navatezvara vake uyu, mushure ndokuzozviuraya naivo vekwaChitauro. Vose vakapira nyaya yavo kudare, tinoda kuizeya toona pane mhosva.  Asi chokwadi tikawana paine mhosva yerudzi urwu, ticharanga sabhuku uyu zvakaomarara anova tezvara kumufi. Zvino vanozotarisana sei nemwanakomana wake uyu nevamwe vana mumusha nevaroora? Vanhu vachangoti ndizvo zvaanoita kuvaroora vose,” vanodaro Mambo Nyamweda.

Simon Chitauro

Vanoti zvakare aimbova sabhuku wemusha uyu, Josiya Chitauro – uyo akazoshaya – akamboitawo zvimwe chete apo akawanikidzwa achishereketa nemumwe wevaroora vake. Josiya anonzi akazoshevedzwawo kudare raMambo Nyamweda akaripiswa mombe nhatu ndokubviswa pahusabhuku apo kwakazogadzwa Simon.

“Handizive kuti vanababa vemusha uyu vakaita sei, kune mumwe akambozviita. Zvino nhasi mumwe onzi adzokorora. Kureva kuti pane zvihombe zvinoda kugadziriswa mumusha uyu, tinosangana navo kudare tigonzwa kuti chiiko,” vanodaro Mambo Nyamweda.

Edmore anotsinhira kuti vakakwidza nyaya iyi kwaMambo Nyamweda uko vakanzi vazodzoka nemusi wa31 Kurume.

Share This:

Sponsored Links