Uncategorized

Sadc ngairambe iri mugwara: VaMugabe

29 Aug, 2014 - 09:08 0 Views

Kwayedza

CHINO ndicho chikamu chokupedzisira pazvikamu zvatakakupai zviri maringe nemusangano wavatungamiri venyika dzomudunhu rokuchamhembe kweAfrica, reSouthern African Development Community (Sadc).
Asi hazvireve kuti zveSadc zvabva zvapera nokuti iwe ndiwe Sadc yacho.

Takavimbisa kukupai zvimwe zvakataurwa nemutungamiri wenyika President Mugabe pavakagamuchira kuve sachigaro wesangano iri musi wa17 Nyamavhuvhu.

President Mugabe vakati vanonzwa kuninipiswa nokuremekedzeka zvikuru kuti vasarudzwe kuve sachigaro weSadc. Vakatiwo kuve sachigaro weSadc ruremekedzo kwavari pamwe chete neHurumende yavo nezvizvarwa zveZimbabwe.

Vakatendawo Malawi, iyo yakange iri sachigaro kubva gore rapfuura, vakapembedzawo hutungamiri hwakaratidzwa nevaimbove mutungamiri weMalawi, Dr Joyce Banda, pamwe chete namuzvinafundo Peter Mutharika, avo vave mutungamiri weMalawi.

President Mugabe vakati Zimbabwe inotarisira kuve nezvikuru zvainoitawo muzvirongwa zveSadc, uyewo kuti vane chokwadi chokuti vachaona kuti dunhu ratarisana nezvinhu zvinoita kuti upenyu hwavanhu huvandudzike.

Vakatiwo Sadc haifanirwi kurasa gwara panyaya dzokubatana nokushanda pamwe chete, rinove ndiro donzvo guru resangano iri. Vakatizve, “Hatifanirwi kupindwa nemiedzo yokuda kuvarura zvirongwa  zvakawanda-wanda zvatinozopedzisira totadza kupedza tichishandisa mari dzedu”.

President Mugabe vakapembedzawo chirongwa che“Regional Indicative Strategic Development Programme”, vakati ngachirege kubatwa  sechidzidzo chokuchikoro, asi kuti chive chirongwa chinopa dunhu mukana wokuona kwarakananga.

Mutungamiri wenyika vakatiwo nyaya yokumirira kubatsirwa nenyika kana masangano okunze anoshanda nenyika dzakasiyana-siyana inyaya inoita kuti dunhu rishaye masimba akawanda pazvirongwa zvarinenge ratara nokuti ane mari ndiye mukuru.

“Tingadade nokuti Sadc isangano redu sei kana zvikamu makumi matanhatu zvezvirongwa kubva muzana zvichifambiswa nemari dzinobva kunze?”  vakabvunza President Mugabe.

Vakati nokudaro ongororo ye“Regional Indicative Strategic Development Programme” inofanirwa kuvandudza dunhu reSadc kuti ribude nezvirongwa zvishoma asi zviine chinangwa negwara, zvirongwa zviri pasindimuko yechiono chomubatanidzwa wedunhu, uyewo zviine chinangwa chokusimbaradza mamiriro ezvoupfumi, nokuvandudzawo mararamiro avanhu.

Vakati dunhu reSadc rine zviwanikwa zvakawanda zvisingasungirwe kutengeswa zvakangodaro, zvichitengeswa nemitengo yapasi pasi, asi kuti ngazvivandudzwe, zvozotengeswa zvagadzirwa uyewo nemitengo yapamusoro.

President Mugabe vakati izvi zvinoita kuti dunhu rivandudze maitiro aro amabasa, zvopawo mikana yokuti vanhu vawane mabasa, zvichireva kuti Sadc inosungirwa kurumuka kubva mukutengesa zviwanikwa zvisina kugadzirwa ichienda pakutengesa zvinhu zvayagadzira noruzivo nounyanzvi hwayo.

Vakawedzera vachiti zviwanikwa zvomudunhu zvinogona kubatsira kuti dunhu risimukire zvakanyanya. Vakabatawo nyaya dzokutengesa nokutengeserana pakati penyika dziri mudunhu vakayeuchidza vatungamiri zvimwe zvibvumirano zvakambonyoreranwa.

Panyaya dzorunyararo, kuchengetedzeka kwedunhu, nokuzvitonga kuzere, President Mugabe vakati Sadc idunhu rinodadisa nokuti ndiro dunhu muAfrica yese rine runyararo rwunoyemurika. Vakapembedza basa guru rinoitwa nechikamu che“Sadc Organ on Politics, Defence and Security”, chinoona nezverunyararo mudunhu.

“Ngatiregedzei kufa takarasa tariro kana pasvika panyaya dzorunyararo mudunhu”, vakadaro.

Vakazokorokotedza zvizvarwa zveSouth Africa neMalawi nokuita sarudzo dzakabudirira, sarudzo dzakange dzakaumbwa parupawo rwe“Sadc Principles and Guidelines Governing Democratic Elections”. Vakati vanotarisira kuti Botswan, Namibia neMozambique vachaitawo zvimwe chete, pavanoita sarudzo dzavo mumwedzi waGumiguru.

“Isu zvizvarwa zvomuSadc neAfrica, tinoongorora sarudzo idzodzo, uyewo shamwari dzedu dzechokwadi dzinokwanisa kuongororawo nokuti chatinoda ichokwadi, kwete maitiro asingade kuona chokwadi. Nokuti kune vamwe vanofunga kuti chokwadi ngachive manyepo nokuti vane zvikonzero zvavo. Ivava ndivo vanhu vatisingade kuti vaongoore sarudzo dzedu”, vakadaro.

Vakapedzisira nokutenda dunhu reSadc mukumira kwarakaita neZimbabwe panguva yayakange yakatarisana nematambudziko.

Share This:

Sponsored Links