Sadza nechiropa chemombe

0

CHIROPA chemombe chine kudya kwe”iron” uko kunokurudzirwa kunyanya kumadzimai akazvitakura nekuvanhu vane ropa shoma.

Svondo rino, Alice Mtana ari kuBelvedere Teacher’s College, muHarare, anotsanangudza mamwe mabikirwo enyama yechiropa zvemhando yepamusoro.

Zvinodiwa:

Chiropa chemombe, mafuta, munyu, hanyanisi, matomatisi nepoto.

Mabikiro:

Cheka chiropa chemombe muzvidimbu zvakafanira.

Geza nyama iyi uikange mupoto nemvura yakaringana.

Kanda munyu wosiya zvikwate kwemaminitsi 20.

Kana mvura yapera, isa mafuta mashoma ukange zvitsvukire.

Wozodii?

Chekerera hanyanisi parutivi udzikange. Kanda matomatisi awacheka ugadzire muto.

Usaise godzamuto.

Chibura unakirwe iwe!

Chiropa chemombe chinodyiwa nesadza jena, rezviyo, remhunga, remapfunde kana nemupunga.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share.

About Author