Sadza nenyama yezondo

02 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Sadza nenyama yezondo Mazondo emombe akabikwa.

Kwayedza

NYAMA yemazondo emombe usavi hunofarirwa nevanhu vemazera ose sezvo achinzi anochengetedza mapfupa emuviri kuti agare akasimba.

Svondo rino Sekuru Zambani Muzavazi vekuShamva, kuMashonaland Central, vanotsanangudza mabikirwo enyama yamazondo.

Zvinodiwa:

Poto, chikari, mugoti, chipunu, munyu, mvura nemazondo akaparwa nekuchekwa chekwa zvakanaka.

Mabikiro:

Tora mazondo wosuka nemvura inopisa kuti anyatsochena. Gadza chikari kana poto pamoto woisa mvura yakawanda.

Isa mazondo ose imomo wokwidibira zvombokwata kwemaawa mashanu muchipamhidzira mvura nekupindura-pindura kuti zvisatsviririre. Kana mazondo ave kubva pabonzo, zvinoreva kuti anenge aibva. Chiisa munyu wakafanira.

Wozodini?

Mazondo anogona kudyiwa nesadza rechibage, rezviyo kana nemupunga.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti 0713 411 281.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey