Uncategorized

Sahwira akadya chitunha

12 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Sahwira akadya chitunha Mbuya Domina Mutemadaro vakabata gwaro rekumapurisa iro rinoratidza kubvuma kwavo mhosva yekutamba nechitunha zvikaita kuti vabhadhariswe faindi ye$10 — Mifananidzo naNicholas Bakili

Kwayedza

Daphne Machiri

MUNYAYA inofungidzirwa kuti ine chekuita nehuroyi, mutumbi wemumwe murume wekuWard 1 yekuMazowe, kwaMambo Makope, unonzi wakazovigwa usisina rimwe ziso iro rinonzi rakadyiwa nasahwira wake.

Chitunha chaArtwell Dhiki, wemubhuku raMwedziwendira, kwaGoteka, chinonzi chakazovigwa chava neziso rimwe chete iro rainge rakasvinura.

Mbuya Domina Mutemadaro (68), avo vanova mudzimai wasahwira wemhuri iyi, havasi kuramba kana kubvuma nyaya iyi, kunze kwekungoti, “Handizive zvandakaita, ndainge ndakadhakwa zvekupedzisira”.

Sahwira chembere uyu anongoyeuka kuti ainge anwa doro zvekuraradza musi uyu uye akazobhadhariswa faindi ye$10 nemapurisa ekuCentenary mushure mekubvuma mhosva “yekushereketa” kana kuti “yekutamba” nemufi.

Anoti kuKwayedza svondo rapera, “Ndainge ndakadhakwa ne7-days zvekudhakwa zviya. Saka hatimboziva kuti zvakafamba sei . . .”

Nyaya iyi yakatopinda mudare raMambo Makope, VaJacob Mapirinjanja, avo vanoti vakashaya chirango chekutema nacho chembere iyi sezvo ichitambura mukurarama kwayo.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland Central, Assistant Inspector Petros Masikati, vanoti nyaya iyi haisati yasvika kuhofisi yavo.

Artwell anonzi akafa mushure mekurwara nemusoro.

Nyarai Dhiki (36), anova hanzvadzi yemufi, anoti mudzimai wasahwira wavo ndiye akadya ziso rechitunha chehanzvadzi yake izvo zvakaita kuti vamusungise nemapurisa.

Nyarai Dhiki

“Hanzvadzi yangu Artwell akauya pano achirwara nemusoro. Ndini ndaimupepa kudzimara afa.

“Zvadaro, ndakanoshevedza sahwira wababa vangu, Karima Musetu (67), ndichivazivisa nezvedambudziko rakanga tatiwira.

Sekuru Karima Musetu

“Ava ndisahwira wababa, zvakare ndivo vakaviga baba vangu pavakafa. Zvisinei, vakauya vachichema nesu asi dambudziko rakazovapo apo mwenje wakangodzima woga mumba yaiva nechitunha,” anodaro Nyarai.

Anoti panguva yakadzima mwenje, mumba umu maiva nevanhu vashoma, kusanganisira sahwira Sekuru Musetu nemudzimai wavo.

“Musetu akati achibuda mumba umu achienda kuchimbuzi, ndipo pakadzima mwenje mumba, ini ndikapindamo nekukasika ndichibva panze.

“Ndakabatidza mwenje wefoni yangu ndokuona mudzimai wasahwira, ivo Mbuya Mutemadaro, vari mumachira ainge akafugidziswa chitunha. Ainge akatanangira chitunha, ndichibva ndabvunza kuti vaitsvagei.

“Vanhu vakaita batai-batai kuvaburitsa mumba imomo, ndipo patakaona divi ravakange vakagara rakazara mvura yairatidza kuti pane zvaitika.

“Takabva taona ropa parimwe ziso remufi. Nekunyatsoongorora, ndipo patakaona kuti chitunha chainge chisisina rimwe ziso, patova neburi, asi rimwe racho riripo uye rakasvinura,” anodaro Nyarai.

Asst Insp Masikati

Anoenderera mberi achiti vanhu vakatoita Mbuya Mutemadaro vekuzvuzvurudza kuti vabude mumba umu.

“Chitunha takachiviga chisina ziso, chembere iyi yakatora ziso rehanzvadzi yangu, handizivi kuti anoridii.

“Rechimangwana racho, takaenda kwaSabhuku Morrison Mwedziwendira kunomuzivisa zvakange zvaitika. Vakauya vakaona chitunha chisisina rimwe ziso, iro raimbenge riripo, rimwe racho rakasvinura zvikatovashamisawo.

“Ndivo vakatiti tinomhan’ara kumapurisa. Mapurisa akauya vakasunga Mbuya Mutemadaro ndokuenda navo,” anodaro Nyarai.

Anoti vemhuri yake vakazofamba kumaporofita vachida kunzwisisa kuti chii chakaitika “tikapihwa tsanangudzo dzekuti ziso rakatorwa”.

“Takanzi Mbuya Mutemadaro ndivo vakatora ziso asi hatina kuudzwa kuti vanoridii. Kubva musi waitika izvi, hapasisina husahwira, handidi kana kuvaona pamba pangu. Mwari ndiye anoziva zvavakaritorera,” anodaro.

Murume waNyarai, Lovemore Kapara (42), anoti zvakaitika izvi manenji.

Love Kapara

“Mashura chaiwo, chitunha chatsano chakaenda chisina rimwe ziso uye rimwe rainge rakasvinura — rakaramba kuvharika.

“Zvinondirwadza zvisingaite uye tave kutya nekuda kwemaminimini aya,” anodaro Kapara.

Muhurukuro neKwayedza, Mbuya Mutemadaro vanoti vakazoona voshevedzwa vachinzi vakadya ziso rechitunha uye vanoti musi unonzi wakaitika nyaya iyi, ivo hapana zvavaiziva nekuda kwekuti vainge vakakoriwa nedoro.

“Ndakange ndakanwa doro re7-days zvekuraradza saka zvakaitika handina chandakaona. Ndakazongoona ndava kunzi wakadya ziso rechitunha, murume wangu ndiye akazonditsanangurira nekuti ndakange ndakadhakwa,” vanodaro Mbuya Mutendero.

Vanoti vakazosungwa nemapurisa ndokunobvisiswa faindi ye$10 mushure mekunge vabvuma mhosva yekuti vakatamba nechitunha.

Murume wavo, Sekuru Musetu, vanotsinhirawo kuti ziso rechitunha chasahwira wavo rakashaikwa asi havazive kuti zvakafamba sei.

“Hongu, mudizmai wangu akapinda mumba maiva nechitunha vanhu vakaita kumuzvuzvurudza kuti abude mumba umu. Ainge akadhakwa.

“Asi mataurirwo enyaya iyi ndoona sekuti ruvengo chete,” vanodaro.

Mambo Makope, VaJacob Mapirinjanja vanoti nyaya iyi inosvibisa dunhu ravo.

Mambo Makope

“Nyaya iyi yakasvika kumatare angu ndakashaya kana pekutangira. Ndakashaya kuti ndomutongera chii, haana kana chii zvacho chaainacho, musvuuganda.

“Ndinokurudzira vanhu kuti vasarombe zvinokanganisa upenyu hwavo nekusvibisa nzvimbo tozoona matambudziko akaita sekusanaya kwemvura izvo zvinoitika nekuda kwekuti panenge paine zvakasviba zvaitika,” vanodaro.

Sabhuku Morrison Mwedziwendira vanotsinhira kuti chitunha chakavigwa chisina rimwe ziso.

Sabhuku Mwedziwendira

“Chitunha chakavigwa chisina ziso.

‘‘Ndakamukira pamba apa mushure mekushevedzwa ndikanoona, ndikazosvitsa nyaya iyi kwaMambo Makope ndichivasuma zvakange zvaitika,” vanodaro Sabhuku Mwedziwendira.

Vanoenderera mberi vachiti, “Aya mashura, zvino tingati ziso rakaendepi iye munhu akabuditswa achiita zvekuzvuviwa kubviswa mumagumbeze echitunha? Hatisati takamboona zvakadai muno.”

 

Share This:

Sponsored Links