Uncategorized

Saka maiurayirei nyoka iyoyo?

02 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa
VANHU vatema vanotya, uye kutya kwavo kune chikonzero. Kana Satani akakwanisa kushandisa nyoka sesvikiro, pese patinoona nyoka tinongofunga kuti adzoka.

Kumusha kwangu kwaive nemumwe murume wechidiki aive asingatye. Aive vamwe vanhu vaye vanoti, “Handitye, asi ndinototya kutya.”

Aisatya rima, imbwa nenyoka. Murume wechidiki uyu aisatya kufamba husiku hweZhizha hwakati ndoo. Aiti akasvika pamusha panembwa dzinopenga sei, dzaimutiza dzichinopinda pasi pehozi dzakapeta miswe uye dzichiwuwura.

Kuzoti kana dziri nyoka, aiita dzekuchera kana dzapinda mumwena. Kana dzikakwira mumuti aidzikwirira mumuti imomo odziturunura.

Pamwe pacho murume uyu aiti akatadza kupedzerana nenyoka, aiita dzekuteya. Akapedzisira ave kushevedzerwa nyoka dzinenge dzanetsa pamisha yevanhu.

Asi chakazotinetsa ndechekuti nekufamba kwenguva, akazongotanga kurwara. Chaishamisa pakurwara kwake ndechekuti ganda rake rakatanga kuita serenyoka, uye richifunuka sezvinoita nyoka kana yavhunura.

Vanhu vakanga vave kuti nyoka dzaaiuraya dzakanga dzave kumumukira. Akazosvika pakufa asisatarisike.

Kare, vakuru vaiti nyoka dzekushevedzerwa nevamwe vanhu hadzisi nyoka dzekuitira manyemwe nekuti unogona kunotangana nezvakazvigarira. Unogona kuteyewa kuti urove nyoka dzevaridzi.

Ndataura nyaya yemurume uyu nekuti pakabatwa varume vechidiki vaviri paCopacabana, muHarare, avo vaive nenyoka, pakaratidza mweya wekushaya matyira wave muvanhu mazuva ano. Panenge pabatwa nyoka ine varidzi vayo, imi mobva mati hamutye moiuraya, chenjerai kuzonetseka munguva inotevera muchishaya kuti chakakuwanai chakabva kupi.

Ndizvo zvakaparidzwa naMuvhangeri Chiweshe. Vakati ukaona panenge paurayiwa nyoka, pobva pasvika chembere yakasunga chari yoti, “Maiurayirei nyoka iyi? Ine wayanga yaruma here?”

Zivai kuti varidzi venyoka vauya, ibvai matiza.

Handiti ndizvo zvakaitika kumurume anoshanda saforomani papurazi riri kuShamva, kuMashonaland Central Province, uyo akamera mazamu mushure mekunge auraya mukweshwa wenyoka “yemuridzi” iyo yainge yamupindira mumba make iye arere husiku. Achingopedza kuuraya nyoka iyi, mumwewo murume akabva auya kwaari achibongomora kuchema achiti ndiye muridzi wezinyoka rainge rauraiwa.

Zvino murume wekuti ndiye muridzi wenyoka yakauraiwa iyi akabva azofa – avawo bambo vekumera mazamu havachaziva zvekuita, ari kungokura.

Ambuya vangu neshamwari dzavo mbiri vakamboona zizi rakasvika rikamhara pagedhi repavaida kupinda. Vakataurirana kuti, “Izizi rudzii rinofamba masikati risingatye vanhu?” Vakanhonga zvimiti vakaripotsera.

Zizi riye rakabhururuka richienda, asi chembere nhatu dzaive dzapotsera zizi iroro dzakarwara kunge dzichafa uye dzichirwara zvakafanana.

Munyika muno tinokanganwa kuti kuzhangandira hakusi kungwara. Tikaona pane zvinhu zvinotyisa senyoka inenge yabuda mumota, tinogona kuiuraya, tigoibata nemaoko edu tichiita zvakawanda, asi zvimwe zvinhu hazvisi zvatinenge tichiona nemaziso. Vanhu vanoshereketa havapere.

Vanhu vanoita mhiko, zvibvumirano nesungano nenyika dzerima vanenge vane simba remweya yakaipa. Bhaibheri rinoti, “Hatirwe nenyama neropa, asi nevabati, nevane masimba, nemasimba enyika ino yerima uye nemasimba emweya yakaipa ari muchadenga.”

Saka nyangwe ma”street kids” akatora nyoka yepaCopacabana akaenda nayo – kufarisa kunobva mukusadzidziswa. Munotora nyoka yanga ichigara nevanhu muchiti muri kutora chii?

Kusatya kwatave nako mazuva ano kunoratidza kufa kwehunhu nekuzvidzora. Ndizvo zvimwe chete zvinozoita kuti vanhu vasvike pakubata nekuita braai yemazizi. Kana dziri mbanje dzasangana nekuonererwa zvinonetsa kunzwisisa, asi ndizvo zvinozoita kuti muzongoona vamwe vanhu vachipenga muHarare umu, woshaya kuti chii.

Chisi hachiyeri musi wacharimwa.

Share This:

Sponsored Links