Uncategorized

Sanganisa guru nematumbu

18 Jan, 2019 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
USAVI hwematumbu akasangana nemaguru nemuriwo wemashizha mudya ndakasungwa chaiwo kana zvikabikwa zvine hunyanzvi. Svondo rino Rejoice Rufaro Cosmas wekwaImbwanhema, kwaMusana, kuBindura anotsanangudza mamwe mabikirwo eusavi uhu. Zvinodiwa:

Chikari, poto kana pani, mugoti, chipunu, matumbu nemaguru emombe, muriwo wemashizha munyoro, hanyanisi, matomatisi, munyu nemvura.

Mabikiro:
Tora matumbu nemaguru wocheka muzvidumbu zvakanaka, suka nemvura inotonhora kaviri uchirasa mvura yacho.

Suka matomatisi, muriwo nehanyanisi wozvicheka uchiisa mundiro dzakasiyana.

Gadza chikari, poto kana pani pamoto. Isa matumbu nemaguru nemvura makomichi maviri wokwidibira usavi zvombokwata kweawa rimwe chete.

Chiisa hanyanisi, matomatisi nemafuta wokanga kwemaminitsi gumi.

Isa muriwo woramba uchikanga kwemaminitsi mashanu.

Chiisa munyu mushoma woraidza kuti zvaringana here wobura.

Munogona kudya usavi uhu nesadza remhando yamunoda kana nemupunga. Uku kudya kwakanaka panyaya dzeutano.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey