Uncategorized

Sangano robatsira vanasikana

14 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
Sangano robatsira vanasikana Mai Ekenia Chifamba

Kwayedza

Daphne Machiri

SANGANO rakazvimirira reShamwari Yemwanasikana riri kusimudzira fundo yevasikana vanotambura, zvikuru vekumaruwa kuburikidza nekuvapa mabhuku ekuverenga nedzidziso yakananga kuchengetedza utano hwavo.

Muhurukuro nemukuru wesangano iri, Mai Ekenia Chifamba, vanoti vakaona zvakakodzera kubatsira vanasikana sezvo iri kudzero yavo yekuwana dzidzo sezvinongoita vanakomana.

“Tiri kushanda mudunhu reMashonaland East, iye zvino tiri kwaMurehwa tichipinda muzvikoro matinoita makirabhu nevana vechikoro. Ndimo matiri kuona kuti vanasikana vari kusangana nezvakawanda asi vanenge vasina wekuudza. Vamwe vanombunyikidzwa pabonde,” vanodaro Mai Chifamba.

Vanoti zvakare vari kushandawo nebazi rinoona nezvevanhukadzi nekuenzaniswa kwemikana, bazi rezveutano nekurerwa kwevana pamwe nemasangano akazvimiririra anosanganisira Women’s Coalition Mashonaland East Chapter mukuvandudza upenyu hwemwanasikana.

Fungai Rugava

Muhurukuro naFungai Rugava, uyo anova coordinator ari zvakare district empowerment officer weShamwari Yemwanasikana kwaMurehwa, anotsinhira achiti: “Murehwa ine matambudziko akaita sekuroodzwa kwevana vari vadiki zvinova zviri kudzivisa kuti vasikana vasaenderera mberi nechikoro. Izvi zviri kubuda mumakirabhu atiri kuita muzvikoro tichikurukura nevana.

“Iye zvino takwanisa kushanda nezvikoro zvinosvika 155 zvepuraimari nesekondari muMashonaland East.”

Rugava anoti vamwe vanasikana vari kutadza kuenderera mberi nechikoro nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira kushairwa mari.

“Zvikonzero zviri kuita kuti vana vasaenda kuchikoro zvinosanganisira kushairwa mari dzechikoro nekuda kwekuti vabereki havashande,” anodaro.

Anotiwo sesangano, vachaenderera mberi vachibatsira vanasikana vanotambura kune mamwe matunhu eZimbabwe.. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey