Sanogo ndewedu: Arsenal

16 Jul, 2015 - 00:07 0 Views

Kwayedza

AJAX iri kukurukura neArsenal kuti igotora mutambi wayo Yaya Sanogo mwaka unotevera nechikwereti. Mutambi uyu ange achitatarika kupinda muchikwata cheArsenal kubva paakatengwa kubva kuAuxerre mugore ra2013 uye mwaka wadarika akamboendeswa kuCrystal Palace nechikwereti zvakare.

Anogona kunorairidzwa naDennis Bergkamp uyo akambotambira Arsenal kare anove mutevedzeri wemurairidzi weAjax parizvino.

Sanogo akasiiwa muchikwata cheArsenal icho chakaenda kuSingapore kunokwikwidza mumutambo weBarclays Asia Trophy.

Bergkamp akatambira Arsenal kwemakore 11 asi akaramba basa rekuve scout kuchikwata ichi paakasendeka shangu dzake dzekutamba nhabvu, asi akazotora basa rekuve mutevedzeri wemurairidzi weAjax mugore ra2011.

Bergkamp naFrank de Boer, uyo anove muraidzi weAjax, vachapihwa basa rekuumba Sanogo zvakasimba uye akundikana kunwisa mumitambo 11 yaakatambira Arsenal kubva 2013. — Daily MailOnline

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey