Sarudzo yembeu yakakosha: Seed Co

13 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Sarudzo yembeu yakakosha: Seed Co VaPhillip Matombo vachitaura nevarimi pazuva rekumema munda waVaEnock Moyo kuRushinga nguva pfupi yadarika.

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
VARIMI vanokurudzirwa kuti vakoshese kusarudza mbeu inoenderana nevhu ravo sezvo izvi zvichibatsira zvikuru kuti vazowana goho rakanaka.

Kurudziro iyi yakaitwa naagronomy and extension services manager kuSeed Co, VaJohn Basera, nguva yadarika apo vaimema munda wehurudza yakadarika vamwe kurima mbeu yakauchikwa nekambani iyi kuRushinga.

Murimi uyu – VaEnock Moyo – vakarima mbeu ichangoburwa neSeed Co yeShumba SC649 iyo vanoti vanotarisira kuwana goho repamusoro.

VaBasera vanoti kusarudza mbeu yekudyara kunobatsira zvakanyanya kuvarimi.

“Sarudzo yako murimi yembeu ine zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana (51 percent) pakuwana pako goho rakanaka. Kukohwa pakuru kwemurimi kunotangira pakugona kusarudza mbeu. Zvimwe zvikamu zvinozozadzikiswa nekugona kuisa feteraiza pamwe nekuderedza sora mumunda. Zvakakosha kuti varimi vazive kuti mbeu dzavari kurima dzichavabuditsira pakadii uye kuti dzinoenderana here neivhu ravari kuda kudziisa nefetiraiza yavanoda kuzoisa,” vanodaro VaBasera.

Vanoti varimi vanofanirawo kutora kurima sebhizinesi.

“Varimi ngavazivewo zvakare kuderedza tupuka tunokanganisa kukura kwembesa dzavo, kunyanya chibage. Kune gonye ranetsa mazuvano reFall armyworm. Kucherechedza munda wako semurimi mbesa dzichiri diki nekukura kwadzo zvakakosha nekuti gonye iri rinoda kutangirwa richiri diki. Kune mishonga inouraya gonye iri, kunyanya rikatangirwa richiri diki. Zvisinei, kune vamwe varimi vari kushandisa sauti kana zvimwewo. Ndinokurudzira varimi kuti vashandise mishonga yakatarwa nanamazvikokota pane kuita zvavo vega nekuti zvakafanana nesauti ine zviwanikwa zviri mairi zvinokanganisa ivhu kuti rirase chikafu chinokudza mbeu zvakanaka,” vanodaro.

VaBasera vanoti kune vamwe varimi vanenge vagona kusarudza mbeu asi vozowana goho rakaderera nekuda kwekuti zvirimwa zvavo zvinenge zvakanganiswa netupukanana kana nesora.

“Varimi vazhinji vachiri nepfungwa yekuti mishonga yekuuraya sora inokanganisa ivhu asi hazvisizvo. Vamwe vanofunga kuti inopisa zvirimwawo zvakare. Nyaya yese iri pamaisirwo anoitwa mishonga iyi nenguva yekuisa pamwe nekuva neruzivo rwakakwana kubva kuvarimisi kana kumakambani anotengesa mishonga iyi,” vanodaro.

VaBasera vanoti nekuda kwekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze, kambani yavo iri kuramba ichigadzira mbeu dzinotirira muzuva dzakafanana neShumba SC649.

Vachitaurawo pagungano iri, VaPhillip Matombo vanove western region commercial agronomist kuSeed Co vanotsinhira nezvembeu iyi vachiti inotirira muzuva uye inopa goho guru.

“Murimi pambeu iyi anofanira kutarisira matani gumi nematanhatu pahekita nekuti inoita tsanga hombe yoita muguri mutete zvakare. Mbeu iyi yakanakirawo pakuti kukanaya mvura shoma, inomboshingirira muzuva uye inobuditsa tsanga dzine huremu hunokunda muguri wacho. Varimi tinongovakurudzira nyaya yekugadzira zvirimwa zvavo, kubvisa sora nekuongorora tupukanana tunodya kuitira kuti goho ravo risaderera,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links