Sarudzo: zec yogashira mazita evachakwikwidza

0

GADZIRIRO dzesarudzo dzichaitwa musi waChikunguru 31 dzave padanho repamusoro uye neChina svondo rino mapato ari kuda kukwikwidza ari kuendesa mazita enhengo dzawo kumatare eNomination Courts ekomisheni inoona nezvesarudzo, yeZimbabwe Electoral Commission (ZEC).

Matare aya achagara nekutambira mazita avachapinda musarudzo kumativi mana enyika.

Musarudzo idzi, pachavoterwa mutungamiriri wenyika, vamiriri vedare reParamende nemakanzura.

Mapato achakwikwidza musarudzo idzi anosanganira riri kutonga reZANU-PF neMDC Alliance.

Zvichakadai, nemusi weChipiri ZANU-PF yakazivisa mazita enhengo dzayo dzichakwikwidza musarudzo idzi.

Mazita aya anosanganisira 210 evachakwikwidza musarudzo dzekutsvaga vamiriri veNational Assembly, 60 veProportional Representation, 60 vedare reSenate ne100 vemaprovincial councils.

Vachitaura kuvatori venhau, munyori anoona nezvekufambiswa kwebasa muZANU-PF, Dr Obert Mpfu, vanoti bato ravo rakaita zvose zvinodiwa mukusarudza vacharimiririra musarudzo idzi uye vachaendesa mazita enhengo idzi kuZEC.

Share.

About Author