Seed Co yakabatsira vanotambura

23 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Seed Co yakabatsira vanotambura

Kwayedza

Munyori weKwayedza
KAMBANI huru munyaya dzekuuchika nekutengesa mbeu muno, yeSeed Co Zimbabwe, svondo rapera yakabatsira misha inochengetwa vanhu vanotambura nembeu yechibage nehupfu senzira yekudzosera kunharaunda dzainoshanda iri.

Vakabatsirwa nembeu nehupfu iMutemwa Leprosy, Mother of Peace neMashambanzou Care Trust.

Vachitaura pakutambidzwa kwezvinhu izvi, mukushi wemashoko kuSeed Co, Muzvare Marjorie Mutemererwa, vanoti kambani yavo ine chinangwa chekuona kuti nyika yawana kudya kwakakwana kuburikidza nekurima.

“Ibasa redu rekubatsira vanhu vanotambura munyika yose.

“Kuburikidza nemabasa etsitsi atinoita, tinonyanya kutarisa nyaya dzeutano, kurima, dzidzo, mitambo netsika,” vanodaro.

Vanoti vanobatsira vanhu vakasiyana mushure mekuita ongororo yekuona kuti zvii zvavangada.

Munguva pfupi yadarika, Seed Co yakapihwa mubairo mukuru weZimbabwe Top Sustainable of the Year 2018 uyo wakabva kusangano reCommunity Social Responsibility Network Zimbabwe.

“Tava nemakore mazhinji tichishanda nezvipatara, makereke, misha inochengeta nherera, varimi uye zvikoro tichitsigira nepose patinogona napo uye ticharamba tichibatsira kuti upenyu hwevanhu hureruke,” vanodaro Muzvare Mutemererwa.

Share This:

Sponsored Links