Seed Co yakabura mbeu itsva

02 Apr, 2015 - 19:04 0 Views
Seed Co yakabura mbeu itsva

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
KAMBANI ine mukurumbira wekuuchika mbeu munyika yeSeed Co Zimbabwe inoti icharamba ichibura mbeu itsva dzinofambirana nekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze nedonzvo rekuti varimi vawane goho rinovapa pundutso mumabasa avo. Mashoko aya akataurwa svondo rapera namanaging director wekambani iyi VaDennias Zaranyika kuRattary Arnold Research Station kuShamva pagungano revarimi avo vaimema rimwe bindu ravo rinorimwa mbeu yakauchikwa. VaZaranyika vanoti kambani yavo iri kuedza napose painogona kuti goho revarimi risaderere.

“Tiri kubura mbeu itsva dzinotanda nzara uye dzisingakasiki kuparadzwa nezuva zvichitevera ongororo yakaitwa maringe nekusanduka kwemamiriro ekunze. Hatidi kuti murimi arambe achirasikirwa negoho rake saka pari zvino takabura imwe mbeu itsva yechibage yemhando yeSC 301 iyo inoshingirira muzuva ichipa zvakare goho repamusoro.

“Mwaka uno varimi vazhinji vakarasikirwa negoho uye mbeu nekuti vamwe vakadyarurura mushure mekunge mbesa dzavo dzatsva asi hapana chakabuda. Mwaka uno tinouenzanisa newegore ra1992 saka tiri mushishi kutsvaka nzira dzekuti varimi vafambirane ekusanduka kwemamiriro ekunze uku,” vakadaro.

Vakakurudzira varimi kuti vange vachishandisawo nzira dzemadiridziro.
“Rimwe dambudziko riri kudzorera mabasa ekurima kumashure muZimbabwe kuneta kwaita ivhu redu nekuti ranyanya kushandiswa kwenguva ndefu pasina kusandura mhando dzezvirimwa.

“Tiri kukurudzira varimi kuti vashandise fetereza yerudzi rweLime senzira yekumutsiridza ivhu kuti ringe richipa goho rakanaka,” vakadaro.
Vachitaurawo pachiitiko ichi, mukushi wemashoko kuSeed Co, Muzvare Marjorie Mutemererwa, vakati kambani yavo yakasvitsa makore 75 ekugona kuuchika mbeu dzinogutsa varimi kumatunhu ose enyika.

“Varimi havafaniri kutya nekuti tinomira navo nguva dzese kubvira mumakore 75 adarika tichiuchika mbeu dzinobura goho rakanaka. Tinofara zvakare kuti mukuru wekambani yedu VaZaranyika vakasarudzwa kuva mutevedzeri wemutungamiriri wesangano reAfrican Seed Traders Association uye gore rinouya vachange vachiitwa mutungamiriri wesangano iri,” vakadaro.

Zvisinei vamwe varimi vakanyunyuta nemitengo yembeu vachiti yakanyanya kukwira zvakaita kuti vaomerwe nekuitenga mwaka uno.
“Isu tiri kuchema kuti kudai vauchiki vembeu vatibatsirawo nekuderedza mitengo yembeu nekuti mwaka uno muzvitoro takadhurirwa izvo zvakaita kuti tikundikane kurima nemvura yekutanga. Takange tisina mari zvachose muchitarisa kuoma kwakaita upfumi hwenyika 10kg yembeu yakange ichiita US$29 kubva paUS$23 yemwaka wadarika,” vakadaro Mai Learcy Mutize (47) vekwaMutoko.

Mashoko avo akatsinhirwa naVaAbisha Tobaiwa (58) vekuKaroi vanove murimi weA1 vachiti vakazodyara mwando watoenda nekuda kwekunonoka kutenga mbeu zvichikonzerwa nekudhura kwayo.

“Ini 25kg yembeu yechibage ndakaitenga neUS$113 kubva paUS$108 yataitenga nayo mwaka wadarika. Zvekare muzvitoro zvataitenga makange musina mhando dzembeu dzinoenderana nematunhu atinorimira saka takangozopedzisira tave kungotenga chero mbeu yatakange tawana iri muzvitoro,” vakadaro.Gungano iri rakapindwa nevarimi vakabva kumatunhu akasiyana anosanganisira Guruve, Mutawatawa, Mudzi, Kotwa, Sanyati, Rusape, Mutare, Gweru neKariba avo vakawaniswa mikana yekudzidziswa hunyanzvi hwekurima uhwo vakapakurirwa nevauchiki vembeu vekambani iyi.

Share This:

Sponsored Links