Seed Co yakapemberera makore 75

27 Feb, 2015 - 00:02 0 Views
Seed Co yakapemberera makore 75

Kwayedza

seedco
Muchaneta Chimuka

AKANGE ari makuwerere nomusi weChishanu chadarika muguta reHarare apo kambani huru inouchika mbeu yeSeed Co Zimbabwe yakange ichipemberera kusvitsa kwayo makore 75 ichiita basa iri. Mhemberero idzi dzakaitirwa kumahofisi emuzinda wekambani iyi idzo dzakapindwawo nevaimbove vashandi veSeed Co avo vakaenda pamudyandigere.

Vaive vanoremekedzwa pachiitiko ichi, sachigaro weSeed Co Zimbabwe, Dr Charles Utete, vakati kambani yavo ine nhororondo huru yekugona kuuchika mbeu dzemhando yepamusoro zvinova zviri kubatsira mukurwisa nzara nehurombo munyika.

“Kuburikidza nembeu dzemhando dzepamusoro dziri kugadzirwa neSeed Co, mhuri dziri kuwana kudya kwakakwana zvichibatsira kurwisa nzara pasi rose,” vakadaro.

Vakati kambani yavo iri kubudirira kugona kugadzira mbeu nekuda kweongororo yakasimba yavari kuita.
“Hapana chinobudirira kana pasina ongororo nekuti nyika iri kusangana nedambudziko rekusanduka kwemamiriro ekunze nekudaro tinotsvaka ruzivo rwekuti tigone kugadzira mbeu dzinoenderana nedambudziko rinenge rakatarisana nenyika sekuwandisa kana kushomeka kwemvura,” vakadaro. “Tiri kuramba tichidzidzisa vashandi vedu kuti vange vachigadzira mbeu dzemhando yepamusoro. Kugona kubata mushandi zvakanaka ndiyo imwe nzira inoita kuti kambani irambe iine chimiro chakanaka kudai.”

Chamangwiza weSeed Co, VaMorgan Nzwere, vakati mhemberero idzi mucherechedzo wekugona kuuchika mbeu zvakanaka kwekambani yavo.
“Kuburikidza neongororo dzatiri kuita, tiri kukwanisa kugutsa zvido zvevarimi kuti vange vachibura goho guru.

Vachitaura pachiitiko chimwe chete ichi, managing director weSeed Co, VaDenias Zaranyika, vakatenda vashandi vekambani yavo nekuzvipira kushanda nesimba.

“Mbiri huru tinoipa kuna Mwari nekuti ndivo vakatibatsira kuti tinge tichisvika patiri nekuti dzimwe dzenguva zvinhu zvaitiomera asi taizongoerekana tasimuka. Nhasi uno tiri kutondera nhoroondo iyo yakatibatsira kuti tisvike patiri nhasi ndokusaka takoka vakweguru vakasiya basa makore anodarika makumi mana adarika kuti tizofara pamwe nekuti ndivo vakaita kuti tisvike pano,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links