Seed Co yobatsira vanoshaya

28 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Seed Co yobatsira vanoshaya Seed Co's Public Relations and Communications Manager, Ms Marjorie Mutemererwa hands over a donation of maize meal to Harare hospital Chief Executive officer Ms Peggy Zvavamwe in Harare yesterday. (Picture by Memory Mangombe)

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa naMalven Mugadzikwa —
KAMBANI ine mukurumbira pakuuchika mbeu, yeSeed Co Zimbabwe, yakabatsira mapoka akasiyana anosanganisira chipatara cheHarare Central Hospital nehupfu.

Mamwe mapoka akapihwa rubatsiro ndeanoti SOS Orphanage neCompassionate Ministries iyo iri pasi pechechi yeCelebration Church.

Vachitaura pachiitiko ichi vakamirira vamwe vose vakabatsirwa nehupfu uhu, mukuru wechipatara cheHarare Central Hospital – Muzvare Peggy Zvavamwe – akatenda Seed Co nechipo ichi.

“Ndinopa kutenda kukuru kuSeed Co nehupfu hwavatipa uye tichaona kuti hwasvika kuvarwere vedu.

Rubatsiro urwu rwakakosha kwatiri nekuti tine vakawanda vanoda rubatsiro rwechikafu pachipatara pedu. Kurangarirwa kwataitwa neSeed Co uku kunoitawo kuti basa redu rifambe zvakanaka,” anodaro Muzvare Zvavamwe.

Mukushi wemashoko kuSeed Co, Muzvare Marjorie Mutemererwa anoti kambani yavo ine chishuwo chekubatsira vanoshaya kubirikidza nekuvapa kudya kwakaita sehupfu.

“Ndiri kufara zvakanyanya nekubatsira kuri kuita kambani yedu mapoka akasiyana mukuunza maguta kune avo vasingawani zvekudya zvakakwana. Chinangwa chedu chikuru seSeed Co kuona kuti nyika yawana kudya kwakakwana kuburikidza nekuuchika mbeu, kudzitengesa pamwe nekupa chikafu kune avo vanoda rubatsiro urwu,” anodaro Muzvare Mutemererwa. Seed Co iri kubatsira mapoka akasiyana nehupfu pasi pechirongwa chinonzi Bring Food to theTable.

Muzvare Mutemererwa anokurudzira mamwe makambani kuti atevere matsimba avo mukubatsira vanotambura.

Anoti kambani yavo inobatsira zvakare vana vanotambura nemari yechikoro nezvimwe zvinodiwa pakudzidza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>