Seed Co yobatsira vari munharaunda

03 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Seed Co yobatsira  vari munharaunda

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
KAMBANI huru pakuuchika nekutengesa mbeu muZimbabwe nekunze, yeSeed Co, inoti zvakakosha kudzorera pamwe nekuvandudza nharaunda senzira yekusimudzira budiriro yenyika.

Muzvare Marjorie Mutemererwa, avo vanoona nezvekudyidzana neveruzhinji nekufambiswa kwemashoko kumbani iyi, vanoti Seed Co inokoshesa zvikuru kubatsira nharaunda dzakaipoteredza.

Vakataura mashoko aya apo kambani yavo yakapa rubatsiro kuzvikoro zviviri zvinoti St Marnocks High School neRydings College pamwe nesangano rakazvimiririra reIsland Hospice.

“Chinangwa chedu chikuru seSeed-Co kuvandudza nharaunda dzakatipoteredza. Bhizinesi redu guru kutengesa mbeu dzakauchikwa zvemhando yepamusoro uye dzinopa goho guru munyika zhinji dzemuAfrica.

Muzvare Marjorie Mutemererwa achigashidza cheki yemari kunaVaJona Kondo apo vana vepaRydings College vakatarisa

“Kunze kwebhizinesi iri, tinorangarira nharaunda dzatinosevenzera kuburikidza nekupa rubatsiro pamwe nekuvandudza zvipo zvevana vari kuzvikoro nekubatsira vanoshaya mari nemari yechikoro. Tiri kubatsirawo zvipatara nechikafu pamwe nembeu dzekurima kune avo vane pekurima kuti vasapedza mari nekusunza,” vanodaro Muzvare Mutemererwa.

Vanoenderera mberi vachiti: “Mwaka uno pachirongwa chedu chekupa rubatsiro taenderera mberi mukupa ruyamuro muzvikoro. Pachikoro chiri padyo nesu, cheSt Marnocks High School icho chatagara tichibatsira, takapa mari inoita $2 000 kuti vapedzise kuturika mudhuri wekuti vana vadzidzire zvakanaka sezvo pachikoro apa vana vari kuramba vachiwedzera huwandu.

“Seed-Co zvakare yava nemakore akati kuti ichibatana neRydings College mukupa rubatsiro pamutambo weRugby. Mwaka uno Seed Co yakapa zvakare Rydings College mari inoita $3 500 yekuti chikwata chevana vepachikoro ichi chiende kuUnited States.
“Mari iyi yakashandisa kugara kwavakaita paBauer College of Business, kuTexas, uko vakanodzidza zvakawanda maringe nezvekuzvitanga mabhizinesi.”

Seed Co yakapawo zvakare Island Hospice $5 000 yekuti vashandise pakutsvaga mari kwavachaita kuburikidza nemitambo yegolf ichaitwa nguva pfupi iri kutevera (fundraising golf tournament).

Mukuru weRydings College, VaJona Kondo, vanotenda Seed Co vachiti rubatsiro urwu rwunopa vana vavo manyuku-nyuku ekuti vave neshungu dzekudzidza sezvo vakafunda zvakawanda pakuenda kwavakaita kuUSA.
Vanoti vane shuviro yekuvandudza dzidzo yavo mukudzidzisa vana nezvekutanga mabhizinesi.

Share This:

Sponsored Links