Uncategorized

Sei usina kudaira chimbo chandashaura?

24 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa
PAIVAPO nemumwe musikana aive akanaka seruva richangotumbuka. Musikana uyu ainzi Runyararo. Runyararo aigara munyika yakakura kwazvo, uye naiyewo akanga ane basa guru kwazvo.

Basa raRunyararo rakanga risiri rekubika sadza kana kutsvaira mumba.

Basa raRunyararo rakanga risiri rekuenda kunowacha kana kunoruka vakadzi misoro yavo kuti vachene. Rakanga riri rekuti nyika ive nerunyararo.

Asi dambudziko raRunyararo raive rekuti vanhu munyika make vakanga vave kungogara vachikakavadzana, kupopotedzana nekutukana pamusoro pezvinhu zvidiki-diki. Vamwe vaikakavadzirana kuti sei usina kundikoka kumabiko ako. Vamwe vachipopotedzerana kuti sei usina kudaira chimbo chandashaura.

Vamwe ndivo vaitukana zvekusvitsana kutsime nekuti mumwe ainge achengeterei ndebvu refu.

Saka kusawirirana, kusanzwanana, kupesana nekukakavadzana kwese uku kwakaita kuti Runyararo agare achishevedzwa uko nekoko.

Asati ambopedza kugadzirisa nekuyananisa vainge vachikakavadzana, ainzwa pasvika vamwe vachiti kwavo kwakanga kwatoita hama nehama dzavakanga vasiya dzichirodzerana mapanga nekutarirana miganhu kuti anongodarika mutsetse chete, aifa.

Saka Runyarararo haana kuwana zororo. Akamhanya uko nekoko, akakwidza kumusoro, akadzika kuzasi nekupoterera nemisha nemaguta nenyika yese kuti pave nerunyararo.

Kana aneta, Runyararo aidzokera kumba kwavo onogara pasi ati rukutu nekuneta. Aiti kana ambozorora, ogeza, obika, odya, onamata oenda kunorara. Kunze kuchiyedza chete, aimuka odiridza maruva nekupa huku dzavo chikafu.

Aitaura nehuku dzavo kuti, “Chikafu chakafanana nerunyararo. Idyai chikafu chenyu musingapfachure nekuti muchazopedzisira mave kutevera chikafu chamapfachurira pasi, asi munenge mave kudya nemavhu nemarara. Chimwe chikafu chinotopinda mumarara mukachishaya.”

Rimwe gore mushure mekuitwa kwesarudzo munyika, Runyararo akashanda zvikuru kumhanya-mhanya munyika yese achiyananisa nekukurudzira runyararo. Akashanda zvakaomarara kwemazuva gumi zvekuti airara hope mbiri chaidzo.

Semunhu akanga zvino asvika pakuwota chaiko nekuneta, Runyararo akati rega ndimboenda kumba ndinorara zvishoma. Paakasvika kumba, akashamisika kuwana pamba pavo pasina vanhu. Akapa huku mvura nechikafu akadiridza maruva nemuriwo.

Apedza, akageza achibva anorara nyangwe zvazvo zuva rakanga risati radoka.

Runyararo paakabva muguta, vanhu vakazviona kuti pane zvinhu zvasiyana. Vanhu vakatanga kunzwa kusagadzikana. Vanhu vakatanga kuitisana nharo, kutukana nekupopotedzana. Uku Runyararo akanga achidzipfodora.

Akarara, Runyararo akarota hondo ichiuya munyika, achibva ati pepu. Akatarisa panze, akaona kunze kuchakasviba.

Semunhu aive akaneta, akabva adzokera kunorara zvakare. Asi pakarara Runyararo, akabva arara semunhu afa zvekuti pakaita mazuva akawanda akarara.

Runyararo akarara kudaro, muguta makauya mumwe musikana aive akapfeka hembe nhema. Zita rake ainzi Nharo. Nharo aiti akasvika pane vanhu, obva avati “Makapusa. Musabvume zvinhu zvamuri kuudzwa.”

Nharo aizevezera munzeve dzevanhu achivaudza kuti vasajaidze vanhu. Achiita zvaaiita, hanzvadzi yake yainzi Hondo yakabva yauyawo. Yakauya nepfuti.

Hondo akatanga kufamba achitevera mese mainge madarika nehanzvadzi yake Nharo. Hazvina kutora nguva kuti guta rese rinyonganiswe.

Ipapo, Runyararo akabva ati pepu hana ichirova. Imba yavo yakanga ichitsva.

Akabuda panze achiridza mhere, asi akabva aona kuti dzimba dzese nemota zvakanga zvichitsva.

Vanhu muguta vakatanga kurwisana. Vamwe vachiedza kudzimura moto, asi vamwe vachitora moto wacho vachinotungidza dzimba nemotokari, misika nemakombi. Pakanga pachiitika zvese izvi, Runyararo akamhanya achishevedzera kuvanhu vese kuti, “Ndini Runyararo, vanhu ngatiregei kurwa tive nerunyararo. Ndapota.”

Vanhu vakarangarira izwi raRunyararo, vachibva vabengenuka, vakarega kurwa, vakadzima moto, vakabatsirana kuvaka dzimba nekudanana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey