Sekai anopona neburi retsono

20 May, 2016 - 00:05 0 Views

Kwayedza

‘NATSA KWAWABVA” naMusi Gloriosa Katerere (109-110)

Ongororo (Enderero mberi):

Munyori anoita sekudai, “ko, Sekai wacho akaitirwawo here mabiko? Naani? . . . ko, akavaona here baba vake? Ari kuchengetwa nehurumende here? Ko, dai akafa, ndaiita sei? Pari zvino ari kupi? Ari kuitei? Akapona here pamazuva okupedzisira ehondo?” (111).

Musambo wenhendeshure tinouona uchishandiswa zvakare. Tinotanga tichipinzwa mune zviri kuitika nguva iyoyo asi tozombodzorwa mune zvakamboitika kare. Tinotanga nekutaurirwa nezvemabiko ari pamusha paVaChinokorei tozombobviswa mune chiitiko ichi pfungwa dzedu dzava kudzoswa kumashure kune zvakaitika kuMozambique.

Musambo weenzaniso unoshandiswa uchirunga mutauro pamwepo nekutiratidza maitikiro ezvinhu. Tinobva tanyatsa kuona kuti pamusi wemabiko pamusha paVaChinokorei zvechokwadi ngoma yainge ichiridzwa zvebasa zviye apo zvinonzi ngoma yaidandaurwa ipo pasi pachiita “kunge pachatsemuka nemutsindo.” (109)

Kuzoti vari vanachimbwido ava, hazvitaurwi. Apo vaitamba pasi “painge pachadhirika nekutamba kongonya” 109. Kuzoti kana vari vanamujibha zvaida kuti munhu aite zvekuzvionera sezvo ngoma dzaipangurwa “kunge dzichabooka” (109). Apo Tafi anopedza kuverenga tsambo iyo agamuchira kubva kuna mukoma wake Chamunorwa, anonzwa manyukunyuku okufara “sekunonzi ndiye ainge ave kuroora” (112).

Nhambanwa yevatambi (dramatic irony) tinoiona ichishandiswa. Papeja 112 tinoona ichiuya nepaviri. Apo zvinonzi, “Vafana makabva kuhondo hamuna nyanisika imi” isu naTafi tinoziva kuti hazvisi izvo sezvo Sekai akambodanana nemukomana akaitiswa nhumbu izvo Chamunorwa asingazivi.

Kudimikira tinokuonawo kuchishandiswa. Musi wemabiko pamusha paVaChinokorei painge pazere mafaro izvo zvinodimikirwa zvichinzi, “Hakwaidanwa anonzwa” (109).

Zvinozoitika kuMozambique zvinosiya vanhu vasina nerokureva izvo zvinonzi, “Vanhu vakapera mate mukanwa” (110). Apo Sekai anobva pana Tafirenyika anobva achimhanya chaizvo zvekusiya mumvuri wake izvo zvinonzi akabva “ari mhepo” (110).

Zvakaitwa naSekai zvekukutura kabhotoro kose kaive nemushonga unouraya mapete padikidiki kwakamuendesa kunyikadzimu izvo zvinonzi, “. . . akapona nepaburi retsono” (110). Apo Tafirenyika anoona kukundikana kuuya kumabiko kwemukoma wake anonzwa kunetsekana achikungura kuti dai vainge varipo angadai akawana wekukurukura naye zvainge zvichimunetsa panguva iyi. Zvinhu zvainetsa, zvainetsa iye chete achishaya kuti angazviita sei izvo zvinodimikirwa zvichinzi, “Pfungwa dzakanga dzava kumuita gangaidza mukwenyi mhezi yavavira mumwoyo” (111).

Sekuona kwaChamunorwa, Sekai ainge ari mwanasikana ane tsika dzakaisvonakisisa izvo anoti mutsamba yake “ane tsika dzinozara dengu” (112).

“SHUNGU” naMemory Rugedhla (115 -118)

Kasikayi anorohwa nemotokari kwava kutakurwa kuendeswa kuchipatara. Pane vamwe amai avo awirwa nenjodzi iyi, achitengesa zvekudya pamusika, vakamupa pokugara apo ainge abudisirwa zvinhu zvake mumba nekuti aive ashaya mari yekubhadhara rendi. Amai ava vakamuti agare nemwana wavo sezvo zvinhu zvaikwana mumba umu. Mwedzi iwoyo unozopera ave pamba apa.

◆ (Enderomberi svondo rinotevera.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey