Uncategorized

Sekuru vakapondwa, mbuya ndokusiya vasungwa

05 Dec, 2014 - 09:12 0 Views

Kwayedza

PANA sekuru vekwaChinamhora, kuDomboshava, vakapindirwa mumba mavo nemhondi ndokusiya vapondwa, mudzimai wavo ndokusara akasungwa mawoko nemuromo, munyaya yatenderedza misoro yevagari veuku.

Sekuru Robert Tamanikwa Chogugudza (70), vekwaChogugudza – chinhambwe chipfupi kubva muHarare – vakaponderwa mumba mavo nevanhu vasati vazivikanwa husiku hwemusi weMuvhuro svondo rino.

Vanhu vakaita izvi vanonzi vaiti vaida mari yakanga yasiiwa nemwana wasekuru ava uye imwe “yavanotumirwa nevana vavo vari kuSouth Africa”.

Mutauriri wemhuri iyi, VaJohn Chiweshe, avo vanova mukoma kuna Sekuru Chogugudza, vanoti mudzimai wemushakabvu, Mbuya Dambudzo Chogugudza (60), vakasiya vasungwa muromo nemawoko ndokufugidzwa nejira mushure mekuvimbiswa rufu kana vakaridza mhere.

“Munin’ina wangu anonzi akanzwa kuchekwa kwakaitwa ‘burglar bar’ pakati pehusiku ndokumuka.

“Asi pavakamuka vanhu ava vakanga vatopinda mumba ndokuvarwisa vachiti vaida mari yakanga yasiiwa nemwana wavo uye yavanotumirwa nevana vavo vari kuSouth Africa.

“Chinoshamisa ndechekuti zvechokwadi mwana wavo Biggie akanga aunza $300 yemaroja (kubva kuWarren Park, kuHarare),” vakadaro VaChiweshe.

“Muchakabvu takasvikowana akafira mumba make, ropa rakazara mumba uye akanga akatemwa pagotsi nechinhu chairatidza kuti chakanga chakarodzwa uye akanga akasugwawo sezvakanga zvakaitwa mainini. Mainini havana kukuvadzwa asi vakarohwa. Vanhu ava vakaba mbatya nefoni zvemuchakabvu, uyewo maspeaker neDVD,” vakadaro.

Biggie Chogugudza (34), uyo zuva iri akanga asiya mari yemaroja kuvabereki vake anoti akashamiswa zvikuru nechiitiko ichi sezvo akanga abva pamba apa vabereki vake vari vatano.

“Ndarwadziwa nezvaitika kwatiri nekuti vabereki vangu vakanga vari vatano uye vachishanda nesimba kunyangwe zvazvo vanga vava vechikuru. Ndakatounza mari yavo yemaroja ekuWarren Park ndikabva kuma7 manheru ndokuzonzwa kuseni kuti baba vapondwa.

“Chandirwadza ndechekuti mhondi idzi dzakataura kuti dzaida mari yandakanga ndasiya izvo zviri kundipa kufungidzira kuti vanhu ava ndevekuziva,” akadaro.

“Hakasi kekutanga kubirwa pamba pano. Pakambobiwa chitofu nefeni asi pazvakaitika mbava idzi dzakavhurira mombe nekuti yaiva nguva yeZhihza.

“Saka pavakabuda kunovharira vanzwa dzichidya mumunda, mbavha dzakabva dzapinda ndokuba.

“Kechipiri dzakaba firiji, kuona kwangu vanhu ava vamwe chete uye vanoziva mararamiro epamba pedu nekuti baba vanonzi vasati vafa vakadudza kuti, ‘ndakuzivai’ asi havana kuzotaura mazita,” akadaro Biggie.

Zvinonzi US$300 yaiva yakachengetwa nemushakabvu haisati yaonekwa uye pane fungidziro yekuti yakabiwa nemhondi idzi.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Assistant Inspector Tendai Mwanza, vakati vaida kutanga vatsvaga chaizvo zvakaitika munyaya iyi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey