Sekuru vane marambadoro

03 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

Yvonne Chipato
SEKURU vekushaya hunhu zvekusvika pakuburitsira muzukurusikana wavo nhengo yavo yesikarudzi kana vadhakwa vakamiswa mudare redzimhosva.
Otilia Muzambani akaenda kuHarare Civil Court achiti ari kushungurudzwa nasekuru vake, Chamunorwa Rwizi, uyo waanoti anomuratidza nhengo yake yakavanzika kana achinge adhakwa.

“Ava ndisekuru vangu asi havachagarike navo.

“Pose apo vanouya vadhakwa vanondivhurumutsa vachindinongedzera nenhengo yavo izvo zvinova zvava kuvhiringidza magariro edu. Nguva nenguva vakauya vakadhakwa vanondituka zvinonyadzisira, havana kana nyadzi,” akadaro Muzambani.

“Amai vangu vachiri vapenyu taigara zvakanaka nasekuru asi kubva pavashaika vave kundishungurudza. Vanoda kuti ndibve pamba patakasiiwa naamai vedu tichigara zvino voshandisa doro kuti vandishungurudze.

Ndinokumbirisawo kuti dai dare randibatsira negwaro redziviriro kuti ndikwanise kugara ndakasununguka. Ndava kutya kuti vanogona kuzondibata chibharo.”

Rwizi akati kana anwa doro chete haakwanise kuzvidzora sezvo richimuitisa zvaanenge asingade.

“Changamire, ini mwana uyu anondinyepera, handimushungurudze kana kumurova asi kuti haandiremekedze.

Anofurirwa nasisi vake kuti tisagarisane zvakanaka. Hongu dzimwe nguva ndinotadza kuzvidzora kana ndichinge ndakadhakwa ndosvika pakutaura mashoko akashata, dzinenge dziri shungu chete nekuda kwemabasa emwana uyu.

“Imba yatinogara ndeyangu ndakaisirwa nevabereki vangu asi mwana uyu anoda kunditonga iye ari pamba pangu.

Hakuna zvakadaro,” akadaro Rwizi.

Mutongi Brighton Pabwe akapa gwaro redziviriro kuna Muzambani akati Rwizi asamushungurudze.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>