Shanda nesimba iwe mushandi

01 May, 2015 - 00:05 0 Views
Shanda nesimba iwe mushandi

Kwayedza

NECHISHANU chino, musi wa1 Chivabvu, vashandi vemuZimbabwe vachabatana nevamwe pasi rose mukucherechedza zuva revashandi.
Gore rino mhemberero idzi dziri kuitwa apo Hurumende iri kutora matanho akananga kuona kuti kodzero dzevashandi dzachengetedzwa zvizere.

Pamusoro pezvo, pane hurongwa hwakananga kumutsiridza makambani kuburikidza nechirongwa chekusimudzira upfumi, cheZimAsset.
Matanho akananga kuchengetedza mabasa evashandi anosanganisira kuvandudzwa kwemitemo ine chekuita nechigumura.

Pasi pemutemo uyu, makambani anenge achida kugumura vashandi anosungirwa kupa Hurumende zvikonzero zvinonyatsogutsa neumboo hunosanganisira mari inotambirwa nevashandi vose neinopihwa vakuru-vakuru.

Pamusoro pezvo, makambani aya zvakare anofanirwa kutsanangura zvizere matanho aakambotora achida kugadzirisa mamiriro ezvinhu asati aita chisungo chekuda kugumura vashandi.

Tinogamuchira nemawoko maviri matanho ari kutorwa neHurumende aya nekuti kune mamwe makambani anoedza kuhwanda achinyepa kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka obva agumura vashandi.

Maitiro akadai aya kubatirira vashandi pamwe nekutyora kodzero dzavo.
Pamusoro pezvo, kodzero dzevashandi munyaya dzeutano dzinofanirwa kuchengetedzwa nekuti kuti munhu ashande nesimba ndokunge akagwinya.

Zvakakoshawo kuti vashandi vaite basa ravo nemazvo uye nemoyo wose kuti upfumi hwenyika hubudirire.
Kune vamwe vanoita huwori mumakambani kana kuti munzvimbo dzavanoshandira izvo zvinokanganisa zvakare kusimukira kweupfumi hwenyika.

Hurumende iri kutora mamwe matanho ekuti upenyu hurerukire vashandi nevamwe veruzhinji kuburikidza nekuona kuti mitengo yezvinhu zvakafanana nezvekudya yadzikiswa.

Ivowo vashandi ngavachiziva kuti vanofanirwa kushanda nesimba kwete kunyozera vachiti havachagumurwa nyore.
Mushandi ngaazive kuti “kunze uko” hakuna kumira zvakanaka kumunhu asiri pabasa.

Chinodiwa bedzi kuti mushandi aite basa rake zvakanaka nemoyo wake wose uye nenguva. Tikadaro upfumi hweZimbabwe hunosimukira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>