‘Shandisai mbeu yakauchikwa’

21 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
‘Shandisai mbeu yakauchikwa’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
CHAMANGWIZA wekambani huru pakuuchika mbeu munyika muno, yeSeed Co Zimbabwe, VaDenias Zaranyika, vanoti zvakakosha kuti varimi vashandise mbeu dzakauchikwa, zvikuru dzembesa diki sezviyo nemapfunde.

Vakataura mashoko aya muHarare svondo rapera pamabiko ekupera kwegore akaitirwa vatori venhau nemachechi akasiyana nekambani yavo.

“Zvirimwa zvidiki zvakaita semapfunde, mhunga, zviyo, nzungu, nyimo nezvimwe zvave kushomeka mumisika nekuvarimi nepamusaka pekuti vari kuramba vachishandisa mbeu dzisina kuuchikwa. Zvirimwa zvidiki izvi zviri kudiwa zvikuru pamisika nekuti vanhu vari kuona kukosha kwazvo pautano. Saka tichauchika mbeu dzakawanda dzemhando yezvirimwa izvi kuti tigutse zvido zvemisika yemuno neyekunze,” vanodaro.

VaZaranyika vanoti kurima zvirimwa zvidiki kwakakosha zvikuru munzvimbo dzinopisa sekuMasvingo, Binga neBeit- bridge senzira yekudzinga nzara. VaZaranyika vanotenda vatori venhau nebasa ravanoita rekukusha mashoko ekusimudzira nyaya dzekurima kune veruzhinji.

“Vatori venhau muri vanhu vakakosha zvikuru nekuti ndimi munobatsira mukufambisa mashoko ezvekurima muchitsigira zvakare budiriro yevagari vekumaruwa. Ndimi munopinda muvarimi muchinzwa nhunha dzavo kuti isu tikwanise kutora matanho anobatsira varimi, kunyanya mukuvawanisa mbeu dzemhando yepamusoro nenguva uye nemitengo yakaderera,” vanodaro.

Pachiitiko ichi, Seed Co yakapawo mbeu nehupfu kumachechi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey