‘Shandisai ruzivo kusimudzira kurima’

13 Oct, 2017 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
VADZIDZI vanenge vapedza zvidzidzo zvekurima kumakoreji akasiyana munyika vokurudzirwa kuti vashandise ruzivo rwavo mukusimudzira mabasa ekurima.

Kurudziro iyi yakapihwa naVaIvan Craig, vanove mukuru anoona nezvekutengesa (director sales and marketing) kukambani inouchika mbeu yeAgriSeeds, svondo rapera apo vaive muenzi anoremekedzwa paChibhero College of Agriculture pakupedza kwevadzidzi 64 zvidzidzo zvekurima.

“Tinokurudzira varimi, zvikuru avo vachangopedza zvidzidzo zvavo kuti vashandise nzira yekurima yemasutso (conservation farming) kuti vawane goho guru. Hurumende ine shungu dzekuti nyika inge ichizviwanira kudya kwayo kwakakwana kunorimwa muno pane kuti tinge tichiwanikwa tichitenga kubva kune dzimwe nyika. Tinoda kuti tive nekudya kunovaka muviri uye tichivandudza chikafu chedu nekugadzira zvimwe zvinhu zvinoita kuti tiwane mari yekunze,” vanodaro.

Vanoti vanenge vapedza zvidzidzo zvekurima havafaniri kumirira kutsvaga mabasa asi kuti vazvishandire voga.

Zvakadai, vachitaurawo pachiitiko ichi, University of Zimbabwe Vice-Chancellor Professor Levi Nyagura, mumashoko avo avakaverengerwa naProf Charles Mutisi, vanove Dean of the Agriculture Department paUZ, vanopembedza Hurumende mukubatsira kwayakaita pakutenga midziyo inoshandiswa murabhoritari yepakoreji iyi.

“Tinofara zvikuru kuti vadzidzi vepakoreji ino vakapasa nechikamu che90 percent uye kuti Chibhero yakatora mukombe mukugona kuchengeta mombe dzenyama kuHarare Agricultural Show,” vanodaro.

Mukuru weChibhero College of Agriculture, VaPhilip Tichafa Mushayi, vanoti kusvika parizvino vadzidzi 1 930 vakawaniswa zvitupa zvekurima pakoreji yavo kubvira payakavambwa muna 1961.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>