‘Shefu’ otongwa kudare

05 Dec, 2014 - 09:12 0 Views

Kwayedza

Tatenda Moyo
MUDZIMAI wekukwidza aimbova murume wake kumatare achiti ndichamangwiza (chief executive officer) weimwe kambani akazoshamisika apo murume uyu akati aitoshandirawo mumwe munhu. Potia Murindagomo akaendesa George Nyovhi kuHarare Civil Court achiti haasi kuchengeta mwana wake.

Murindagomo akati: “Baba vamuri kuona apo ava ndiCEO weimwe kambani yandakanganwa zita rayo naizvozvo pavari ndipo pamuzinda wemari. Patakange tichiri kuwirirana aindiudza zvose nekuti rudo rwakange rwuchabaka, ndipo pandakaziva mazimari aanobata. Chese chandaida kwaingova kushevedzera chotovapo, kana mwana chaiye aisamboratidza kutambura-tambura.

“Sezvo vari shefu mari yandinoda kuti variritire mwana wavo i$500 chete inova shoma kwazvo tichitarisa chigaro chavo kubasa. Pamusoro pezvo, kuchikoro kwemwana kunoita $150 saka ndeimwe mari yaanenge achifanira kundipa futi iyoyo.

“Akatozotanga kundinyepera nekundinyobvora mushure mekunge ndatoona kuti mwana haachachengetwe kwenguva yakareba apa ave kundiudza zvekuti haasi CEO uye ane vamwe vana vana.”

Nyovhi akapokana nemashoko aMurindagomo achiti haasi CEO asi kuti anotoshandirawo mumwe munhu uye ane vana vana nemumwe mukadzi.

“Handizive zvekuti ndiri shefu zviri kubva nekupi nekuti amai ava vanotozviziva kuti ndiri administrator uye ndinotambira $450 kwete mazana emazana avari kutaurira dare rino. Ndakamboita yangu kambani yaiita zvekugadzira maheu nemaputi asi hakuna kwayakasvika nekuoma kwakaita zvinhu munyika,” akadaro Nyovhi.

“Zvakare, ndine mumwe mudzimai nevana vana pamusoro pemwana wandiinaye naamai ivava zvinova zvinondiremera kuti mari yose yoperera kumwana mumwe chete vamwe vachitambura. Pa$500 yavari kuda ini ndinongokwanisa $50 chete,” akadaro Nyovhi.

Mutongi Tafadzwa Muvhami akati nyaya iyi idzoke zvekare mudare apo Nyovhi anofanira kuunza umboo hunoratidza kuti ane vana vana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>