Shoko rokuti Meja ashaya

24 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

“MATSOTSI” naRuby Magosvongwe (127-132) Nyaya yacho (Enderero mberi):

Izvi zvainge zvisingatariswi kaviri. Vahanzvadzi vavo vanotadza kupindura gare gare runharembozha rwuchibva rwarira rwuine shoko rokuti Meja ainge ashaya babamunini Tafirenyika kwava kuronga zvekuti auye ikoko kuti vanofambisa mapepa. Anoti vatume chikomana chidiki kuti chifanotungamira neshoko ivo vozotevera nemutumbi kana zvese zvapera.

Zvapera zvekuviga mufi, panobva parongwa zvenyaradzo pachiitiranwa nharo, baba vaTapiwa mutevedzani naMeja vachiti vatarisane neshirikadzi nevana vayo vainge vasara. Mari dzepenjeni vainge vatodzifambira naamaiguru ava svondo rainge rapera izvo zvisingafadzi amai vaMeja avo vanotanga kuchema.

Muroora anopindura achiti havangafari here vachiona mari yevazukuru vavo yatogadzirwa kuti vagone kuwana chekubatsera nacho vana. Asati ambopedza muromo uyu, akati mudzimai uyu aipisira hembe inobva yarusimudzira rwekupopotera muroora vachiti mwana wavo hapana chingamutsiva, muroora angadaro zvake handiti vana vake anavo.

Inoedza kuvadzora asi ivo vanoendera mberi vachiti vanganyarara chii iye muroora achifarira mari yemwana wavo chembere ndokuridza chikuwe ichiumburuka pakatehwe kembudzi payainge igere zvokuti vose vari mumba vanoti mwiro-o kunyarara ndokubva vabuda mumba umu muroora ndokuzongotorawo mugomo wemvura uyo wakange wakazara akakuturira muchikwere chemadhadha kwava kuenda kuchibhorani chaive pedyo. Babamunini Tafirenyika ndivo wairondedzera nyaya iyi vachipunyaira neshungu mumwedzi wanga uchangogara pasina kana masvondo matanhatu baba vaTapiwa atevera mukoma wake, Meja.

Babamunini Tafirenyika vanoendera mberi vachiona muroora mai Tapiwa uyo anga azvitakura kuti achasvikepi vachidemba kuti dai mukoma wake naamai vawana nguva yekumbonyaradzwa asi zvinoti netsei nekuti vakabva vavhunwa ndima imweyo. Hanzvadzi yavo inopinza nyaya yekuti pambofambirwa, maitikiro ezvhinhu anenge ane chinodaro.

Babamunini Tafirenyika havabvumirani nepfungwa iyi vachiti hapana munhu angarwutiza rufu kana rwamunanga. Baba vaTapiwa vachine shungu dzekusiiwa namukoma wake. Hanzvadzi inoendera mberi ichiti kana pane zviripo zvinoda kugadziriswa.

Sekuru vanoramba vachiti vangachema kuti ndivo vega here vakabereka nyika ino yese vachipangwawo sevamwe. Zviri nani kuti vatarire zviri kuitika pane kunokoromorana nezvakazvigarira. Zviri nani kugara musingazive pane kufa musisakwazisane. Vanozopedzesera vabvumirana kuti gakava hapana kwaraivasvitsa. Chaidikwana ndechekugadzirira mushakabvu kuti aende kunyikadzimu.

Panosvika shoko rerufu mudzimai waVaTinarwo anochema nekudetemba zvinonzwisa tsitsi chembere ichingondeya nechivanze yakabata ura. Kuzoti panosvika mutumbi pamusha hakusi kukohovedzwa kwavanoita ikoko vanhu vakatomboita batai batai chembere yambonyarara.

Asi pavanopengenuka munhu anoonekwa ava kutora chitswanda nechimwengo kwava kuenda kubindu pedyo nekwaaiti ari kunotsvagira vaeni chekuvapa vanhu ndokukatyamadzwa nazvo munhu achivanyaradza nemazwi akanyorovera. Chembere iyi yazobvuma kugamuchira chokwadi chezvainge zvaitika zvekuti mwana wavo ainge achararama kusvika kupi. Ivo pachavo vainge vachine mazuva mangani pasi pano?

Share This:

Sponsored Links