Shona tinotsvunha: Kwenda High

14 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Shona tinotsvunha: Kwenda High VaEdwell Takura

Kwayedza

Daphne Machiri

KWENDA High School, iyo iri kuChikomba, ishasha pazvidzidzo zveShona izvo zvaona vana vepachikoro ichi vachibudirira pabvunzo dzeA-Level nechikamu che100%kubvira gore ra2010. Muhurukuro nemukuru anoona nezvezvidzidzo zveShona pachikoro ichi, VaEdwell Takura, vanoti Shona “kudya kwavo”.“ Ndava nemakore 24 ndichidzidzisa Shona pachikoro chino naizvozvo kubva mukudzidzisa kwemakore aya, chiShona tinokwatura. Kubvira mugore ra2010 pabvunzo dzeA-Level Shona tiri kubudirira nechikamu che100% uye paO-Level tiri kutambira pa75%,” vanodaro.Vanoenderera mberi vachiti budiriro iyi iri kubva pamushandirapamwe wevadzidzisi nevabereki uyewo nekushandisa bepanhau reKwayedza muzvidzidzo zvavo kuburikidza nechikamu cheDenhe Reruzivo.

“Kwayedza iri kutibatsira mune zvakawanda zvinosanganisira manyorerwo akanaka enhetembo, ongororo yemabhuku anonyorwa nevana pabvunzo izvo zvinoita kuti zvive nyore.

“Kana isu maticha zviri kuti rerukira chaizvo. Asi tinoda kuti Kwayedza iwedzerewo zvirungamutauro zvainoburitsa zvakaita setsumo nemadimikira.”

VaTakura vanoti vamwe vadzidzisi veShona vemudunhu reMashonaland East, kusanganisira ivo, inhengo dzeboka reBuhera Shona Panel Association iro rakavambwa nevadzidzisi vekuManicaland nedonzvo rekuti vapangane mazano mukusimudzira chidzidzo ichi.

“Muboka iri tinosangana sevadzidzisi veShona tichipanana mazano mune zvakasiyana zvakaita setsumo, madikira nekunyora chiShona chemandorokwati. Isu tava mugore rechitatu takapinda muchirongwa ichi uye chiri kubatsira zvikuru mukubudirira kwevana vedu.

“Izvi tinozviitira kuti vana vechikoro vazive mitauro (dialects) yakasiyana-siyana nekuti kana vave kunyora bvunzo dzeShona rinenge riri bepa rimwe chete iro rinowanikwa mibvunzo inosanganisira chiZezuru, chiNdau nechiManyika. Naizvozvo mwana wechikoro anofanirwa kupinda mubvunzo aine ruzivo rwakavandudzika zvekuti anonyora achibudirira bvunzo dzeShona,” vanodaro VaTakura.

Vanotizve kudunhu reChikomba, zvikoro zvesekondari zvinonyoresawo vana veO- neA-Level bvunzo dzeShona vakasanganiswa segadziriro yekuti vazonyora bvunzo dzekanzuru yeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) mukupera kwegore vakadekara.

“Tinoita bvunzo pasi paChikomba District Examination Council apo tinonyoresa vana vedu bvunzo tichiona kuti vave pachidanho chipi vachigadzirira bvunzo dzekupera kwegore,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey