Shona: vasikana vakarova

13 Feb, 2015 - 00:02 0 Views
Shona: vasikana vakarova

Kwayedza

KANZURU inoona nezvebvunzo munyika, yeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec), inoti vanasikana vakapasa chidzidzo cheShona kudarika vakomana mubvunzo dzeA-Level dzegore rapera.

Mukuru wekanzuru iyi, VaEsau Nhandara, vanoti vadzidzi vakanyora bvunzo dzeShona muzvikoro zveHurumende vaive 3 756 apo vanasikana vakapasa i2 106 kana zvichienzaniswa nevakomana 1 319.

Pavadzidzi vakanyora bvunzo idzi, vasikana vaive 2 243 zvichireva kuti vakapasa nechikamu che92.89% kukafoira 137.

Vakomana vakanyora bvunzo dzeA-Level dzeShona muzvikoro zveHurumende vaive 1 513 vakapasa nechikamu che87.18% kukafoira 194.

Vasikana vakakunda vakomana zvakare mubvunzo idzi muzvikoro zvakazvimirira avo vakanyora vari 283 kukapasa 201 kana zvichienzaniswa nevakomana vaiva 167 kukapasa 105.

Zvakadaro, vanasikana vakaratidza kuti ishasha sezvo vakatora mukombe pakupasa kupinda vakomana pabvunzo dzose dzeA-Level dza2014.

Ongororo yakaitwa neZimsec inoratidza kuti vanasikana vakapasa bvunzo idzi nechikamu che74% kana zvichienzaniswa nechevakomana che68%, zvisinei hazvo kuti vasikana vashoma vakanyora zvidzidzo zviviri kana kudarika.

VaNhandara vakapembedza vanasikana nekushanda nesimba kwavakaita.

“Zvinhu zvakange zvisingaitike kwenguva refu. Tinofara kuti mugore ra2014 vanasikana vakakunda vakomana zvisinei nekuti huwandu hwevasikana vakanyora zvidzidzo zviviri kana kudarika hwakange hwakaderera muzvikoro zvakazvimiririra nezveveruzhinji kana tichienzanisa nehwevakomana,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links