Shuga yomutsa chimoto

02 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Shuga yomutsa chimoto

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa
BONGOZOZO rakamuka pakati pemudzimai wekuDomboshava nemurume wake pamusoro peshuga rakazopedzisira rasvika kumatare edzimhosva.
Nokhutula Maklialima akamhan’arira Hezron Moyo kuHarare Civil Court achimupomera kumushungurudza.
“Baba ava vaiva murume wangu asi anondishungurudza, anondirova uye kundituka apa haana kundiroora. Ndakatiza kumba nekuda kwekurohwa nekutukwa uye akambosungwa mushure mekunge andirova nebhutsu ndikaita maronda mumusoro ayo ari kuramba kupora kubva muna 2016,” anodaro.
Anoenderera mberi achiti, “Anondirovera kuti ndakauirei kuzomhan’ara nyaya yemendenenzi. Izvozvi anondirambidza kusvika pamba asi ndepangu, ndini ndakaivaka paainge akasungwa akadzoka ndaivaka.”
Achipawo divi rake, Moyo anoti havana kurambana asi kuti vachiri vose.
“Uyu mukadzi wangu, hatina kurambana asi hameno kwaari kugara. Akatiza pamba ndaramba kutenga shuga nekuti ndiri kubhadhara mendenenzi. Mari yacho anoiisa kupi zvaanoda kuti nditenge shuga uye ndipo pakatangira bongozozo.
“Handina kumbobvira ndasungwa uye maronda ainawo handizive kuti akabvepi nekuti ini handina kumbomurova,” anodaro Moyo.
Anotiwo Maklialima ndiye anotomushungurudza.
“Ndiri kubhadhara mari yemendenenzi asi vana havasi kuenda kuchikoro, saka zvinondirwadza. Kana achida kudzoka kumba anodzoka asi mukamupa gwaro iroro ava kutozondishungurudza inini wacho nekuti anondituka achiti aneta neni uye paakaenda akatora zvinhu zvose akandisiya negumbeze rimwe chete chairo. Idambudziko mukadzi uyu,” anodaro.
Mutongi Noah Gwatidzo akapa Maklialima gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey