Sikandar odzoka kuzc

28 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
Sikandar odzoka kuzc Sikandar Raza

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI wecricket, Sikandar Raza, akasarudzwa kuti agove muchikwata cheZimbabwe Cricket icho chichaenda kunokwikwidza neBangladesh mumitambo mitatu yeone day international uye nemiviri yetest match.

Asi achange asiri muchikwata chemaChevrons icho chiri kuSouth Africa kunokwikwidza mumitambo yakasiyana iri kutanga svondo rino musi weSvondo.

Shasha iyi yange isina kusarudzwa kuti iende kunomirira maChevrons zvichitevera nyaya dzake dzekondirakiti dzainetsa, asi zvakazogadziriswa apo pakaitwa hurukuro pakati pake neZimbabwe Cricket contracts committee svondo rino.

Raza akatsanangura mamiriro aive akaita nyaya yake uye akakumbira ruregerero ndokuzvipira kumirira Zimbabwe mumitambo inotevera.

Apo maChevrons akasimuka kuenda kuSouth Africa kare kunokwikwidza mumitambo mitatu yeODI iyo ichange ichitambirwa kuKimberley uye neyeTwenty20, vanosarudza chikwata ichi vakaronga kuti vamusiye asi vachizomusarudza pakuenda kuBangladesh.

“Ndine mufaro mukuru nezvakaitika izvi uye ndinopa kutenda kuZC iyo yakwanisa kugadzirisa nyaya dzangu.

“Ndinoda kusiyana nenyaya iyi ndotanga kuita zvekuti nditambe cricket yangu kwete kufunga zvakawanda,” anodaro Raza.

Akafanobata chigaro chamanaging director weZC –  Givemore Makoni – anoti anotambira nemaoko maviri kudzoka kwaRaza muchikwata ichi.

“Tine mufaro mukuru kuti takakwanisa kuwirirana naSikandar uyo anove mumwe wevatambi vedu vepamusoro. Tinomutambira nemaoko maviri kudzoka muchikwata chedu uye tinovimba kuti patichaenda naye kuBangladesh nemimwe mitambo achatibatsira zvikuru,” anodaro.

Masvondo adarika, Raza akabuda pachena kuti akange asiri kuzotambira maChevrons kumitambo yeSouth Africa neBangladesh zvichitevera kusapihwa kondirakiti itsva neZC izvo akatumira pandemutande rake retwitter.

Share This:

Sponsored Links