Uncategorized

Sikarudzi hapana hapana

16 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Sikarudzi hapana hapana Jacob Mwecha

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MURUME wekuKuwadzana, muHarare, anoti sikarudzi yake “inotiza” pose paanoda kusasana nemudzimai wake inova nyaya yamutsa kufungirana muwanano yavo.

Jacob Mwecha (40) anoti asvitsa mwedzi mitatu izvi zvichiitika bedzi apo anenge oda kusasana nemudzimai wake, Shupikai Shana (30).

Shupikai Shana

Murume uyu anodura kuti haabvire munyaya dzemarokwe izvo zvinofungirwa nemudzimai wake kuti angangodaro “akasotwa” nerunyoka nevarume vevakadzi vaanodanana navo.

“Sikarudzi yangu inongoshaika bedzi apo ndinoda kusasana nemudzimai wangu, panoita ruware chairwo. Ndinofungira kuti mukadzi wangu ndiye akandigadzira nekuti ndikamuti hatifambei haadi,” anodaro Mwecha.

Anoti dambudziko iri rakatanga paakatanga zvekuita shamwarikadzi dzakawanda uye ane fungidziro yekuti mudzimai wake ndiye akazomushandisira mushonga.

“Ndinofungira kudaro nekuti ndakazonzwa kuti mudzimai wangu kune rimwe sowe uko akaonekwa achibatsirwa. Kubva munaNyamavhuvhu izvi zvinongoitika,” anodaro.

Shana anotiwo haana chaanoziva nezviri kuitika kumurume wake.

“Murume uyu haabvire mumarokwe, takadzingwa padzimba dzatairoja shanu achibatikidzwa nevanasikana vepo kana kudanana nemadzimai evaridzi vedzimba. Kunyepa here, ndipindure?

“Hongu, ini ndakaenda kune rimwe sowe asi ndaitobatsirwawo zvimwe, ngaadzokere kumagirlfriends ake anosunungurwa ikoko. Ini hapana zvandinoziva,” anodaro mudzimai uyu.

“Murume wangu akambobatikidzwa ari muchimbuzi nemuroora wepamba pataigara pamwe pacho naamai vepo achivapa $10. Ndaneta nechipfambi chake, akaiswa central locking (rukawo) nepfambi dzake kana kuti nevarume vevakadzi vaanodanana navo,” anodaro Shana.

Mwecha anozviti munhu “akasununguka” zvikuru kuvanhu izvo zvaanoti ndizvo zvinoita kuti mudzimai wake agare achimufungira.

Votaura nezviri kuitika kumurume uyu, VaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru wesangano reZinatha, vanoti anogona kunge akaiswa runyoka.

“Iye zvino tiri mumwedzi weMbudzi machiremba edu haashande, asi chokwadi chiripo murume uyu akaiswa runyoka rwekamba rwunoita kuti sikarudzi iny’ure. Anogona kunge akashinha nemudzimai wemunhu kana kuti madzimai aanodanana nawo akaramba kuvapa mari ndokumugadzira kana kuitisa pamuviri musikana oramba kumuroora. Iye ndiye anoziva zvaakaita,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links