Simba rekuzvichengeta riri mumawoko ako

07 Nov, 2014 - 09:11 0 Views
Simba rekuzvichengeta  riri mumawoko ako

Kwayedza

Catherine Murombedzi
KANA wafamba nemudope unofanira kugeza. Hakuna munhu angati afamba nemumajahwi odekara kugara seasina dope.

Kashoma kuti munhu apfuure nemumajahwi iyo nzira yakanaka uye pakaoma iripo. Naizvozvo sei vamwe vanhu vachizosarudza kufamba nemumadhaka vachisiya nzira yakaoma? Apa ndiri kutaura ndakatarisa baba vangade kusarudza kufamba mudope ivo vachigona kufamba munzira yakachena. Izvi zviri kumadzimaiwo zvakare, kuna vanaamai vanowanikwa vachinyura mudope ivo imba nemhuri vainazvo.

Chii chinoita kuti munhu ane mumwe wake, angave murume kana mukadzi kumba, awanikwe achiita mudiwa weparutivi uyo waanosangana naye vasingashandise dzviviriro? Mubhuku rakanyorwa neveSAfAIDS vachikotsverwa neveUNAIDS, UKAID, Irish AID neHIVOS iro riri muchirungu “Men are protectors: preventing HIV & GBV” zvakaonekwa kuti dzimwe nguva munhu anozofunga kana kukungura mushure mekunge aita chinhu. Munhu anofanirwa kudzamisa pfungwa apo anenge abatwa nemuedzo ozvibvunza kuti zvinokodzera here uye mangwana ndinenge ndichifara nezvandaita here?

Mubhuku iri zvakaonekwa kuti munhu haafaniri kuisa chivimbo chake chekuti iye anonochengeterwa utano hwake nemumwe munhu.

“Basa rekuona kuti hausi kupinda munjodzi uye utano hwako hwakachengetedzeka nderako. Iwe ndiwe muchengeti weupenyu hwako nekuti musiki vakakupa simba racho. Zvichengetedze uye nekudaro wachengetedza mhuri yako,” rinodaro bhuku iri. Bhuku iri rinoenderera mberi richiti: “Ukarara nemunhu asiri mudiwa wako akavimbika usina dziviriro uri kuzviisa munjodzi. Uri kuisa mudiwa wako ari kumba panjodzi uye uri kuisa mhuri yako panjodzi zvakare. Funga usati wapinda mumuyedzo.”

Bhuku iri rinoti munhu angave apindwa nemuedzo akarara pasina dziviriro anofanira kuenda kunoongororwa ropa mukati memwedzi mitatu. Panguva iyi kana aine mumwe waanodanana naye, angave murume kana mudzimai kumba anofanira kushandisa makondomu mukati memwedzi mitatu iyi nekuti utachiona hweHIV hunenge huchakatonhora.

“Kana munhu aongororwa akaonekwa asina utachiona anofanirwa kupfira pasi katsika ikako obva aita sezingizi kugonyera pamwe. Kana munhu achinge awanikwa aine utachiona hweHIV mushure mechiitiko ichi anokurudzirwa kuzivisa mumwe wake. Anofanirwazve kuva nepfungwa dzekusapa vamwe utachiona.”

Bhuku iri rinoti munhu haafanire kuramba achiita bonde risina dziviriro achiti kondichatya kusviba magaro here ini ndateya mbeva murutsva. “Munhu anoramba achirara asina dziviriro ari kuzviisa panjodzi yekutapura umwe utachiona kubva kune vaya vaari kufunga kuti ari kukaurisa. Hauzive mamiriro emunhu naizvozvo ungatove wava kukoka zvimwe zvirwere zvepabonde gumi nefararira,” rinodaro.

Vanokurudzira kuti kuonekwa uine utachiona hakurevi kuguma kwehupenyu asi kuti kutangisa magariro matsva. “Kana wawanikwa uine utachiona hweHIV, chienda kukiriniki iri pedyo kana kuna chiremba wako uko uchanotariswa kuti chiropa chako chakamira sei, masoja anodzivirira utachiona akamira sei zvakare uye kuti mushonga wemaARV anowirirana newe ndeapi.”

Bhuku iri rinovhara nekuyambira kuti kurara nevadiwa vakawanda pasina dziviriro kuzviisa panjodzi huru yekuti mangwana unofuma wotembedzanwa. Vanonzwa, vanzwa. Simba rekuchengeta utano hwako riri mumaoko ako.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>