Simbe

17 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

naPrecious Simbi

Ndini Simbe muera badza Vamwe vachimukira muminda Ini ndakarara Nekubika chandinoda handikwanise

Kupinda mumunda musana worwadza

Pakudya ndomera manhengaMumunda ndowanikwa kamwe sechpungu

Pakusakura ndosangananamananaire

Ini Simbe

 

Ndinonyima sechapungu

Ini Simbe

Ndinonyima nevaenzi vasingapedzi dura

Muimba yekubikira ndimo mangu mukamba

Kushaya chikafu ndinotsamwa sengwena

Iwo utsvina sembwa nzvere

Ndini simbe muviriwangu handikwanise kugeza

 

Precious Simbi ari muForm 2 paKenzin College, kuWaterfalls muHarare.

 

MAONERO:

Kazhinji ndinotarisa zera ranyanduri kuti ndigone kuongorora nhetembo dzenyu. Ino inhetembo yaPrecious Simbi ari muFomu 2. Ndinofara pamwe nekudada nekuzama kunyora zvemandorokwati kwaaita. Kana achinyora zvakanaka kudai ari muFomu 2, kureva kuti kana akasanzwa nungo nemabhuku, kana akasaita simbe yekunyora, anogona kupedzisira ave mumwe vevanhukadzi vanonyora vakafanana nanaTsitsi Dangarembga, Virginia Phiri nevamwe. Ko handiti rwizi rwakatanga netwunzizi tudiki.

Precious, vamwe vangashaye kuti uri kuda kudzidzisa chii nenhetembo yako, nekuti vanogona kuti uri kupepembedza husimbe. Asi ini chandaona ndechekuti hausi kupembedza simbe, nyangwe zvako wanyora uchitaura nezwi resimbe. Chiripo chandaona ndechekuti uri kuseka simbe. Nyangwe zvazvo waipa izwi rekuti itaure, tiri kunzwawo izwi rako iwe sanyanduri kuseri kwezwi resimbe. Izwi rako riri kukoka vaverengi kuti, “Inzwaiwo zviri kutaurwa nebenzi iri.”

Mitsara yako iri kuburitsa zvinhu zvinosetsa zviri kutaurwa nesimbe ndeaya:

Nekubika chandinoda handikwanise

Ukatarisa mutsara uyu, unobva wakuudza kuti paita dambudziko guru kwazvo nesimbe iyi, nekuti kuti munhu adye anofanira kushanda, anofanira kubika – asi pano tsimbe iri kutaura zvinotyisa kuti nyangwe ichida chekudya, inotodawo kuti mumwe munhu aibikire. Mutsara uyu unobva wabatsira kunyatsoburitsa kwaPrecious nungo dzaari kutaura. Dzinonzwikwa mupfungwa dziri kubuda musimbe.

Ndima yechipiri iri kuenderera meri nepfungwa yekuda kudya, asi iko zvino tiri kuratidzwa simbe ichiramba kushanda, asi kana pave pakudya yobuda shave. Chimwe chandafarira mifananidzo yashandiswa kutsanangura kuonekwa nenguva iri kure kwesimbe kumunda. Ndipo panzi, “Mumunda ndowanikwa kamwe sechapungu.” Uye, tinoonawo kuti nyanduri wedu anonzwisisa nyika yake netupuka twayo. Paanoti, “Pakusakura ndosangana namananaire,” ari kudzokera kupfungwa inonzi nevanhu kana uchisakura ukaona rwaivhi zvinoreva kuti ndima yako haisi kufamba.

Kana ukatarisa zvakare ndima yake yekupedzisira, fananidzo dzaanoshandisa dzinoratidza munhu anoona nekuziva hunhu hwemhuka netupuka. Tinonzwa achiti:

Ndinonyima sechapungu (nekuti hachidonhedze munhenga)

Ndinotsamwa sengwena (garwe nyangwe rikaratidza mazino haungati ikoko kusekerera)

utsvina sembwa nzvere (iyi yakatsanangurika)

Pane zvapo twuzviperengo netwumwe twumhosho apo neapo twunoda kugadzirwa, asi ini ndafara zvangu kuti nyanduri wedu anonzwisisa zvakadzama nyaya yaari kunyora nezvayo, uye anoshandisa mutauro nenzira inoratidza kuziva zvetsika nemagariro edu sevanhu vatema.

Waita zvako Precious, ramba uchinyora chete tizoverengawo mabhuku ako.

 

[email protected]

Share This:

Sponsored Links