Simon anoti anoda inyoka

11 Nov, 2016 - 00:11 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 4 (Nyaya yacho: Enderero mberi)

Vida asurukirwa zvikuru ndokutanga kufunga amai vake ndokubva apindwa nechido chekuda kudzokera kumusha kwake uko kwainge kwakazara nerudo rwevabereki vake.Simon anorohwa nehana paanopinda mumba achiwana Vida achichema ndokumunyengetedza kuti amutaurire zvaimuchemedza. Vaida anoti ava kuda kuenda kumusha kwavo zvachose sezvo asingadiwi pamusha apa.

Achibvunzwa naSimon, anoti Simon haasi kuona here kufara kunoita amai vake naJane. Simon anopindura achiti ava kuda kuti vachipihwa imba yavo voga. Simon asati aenda kunotaura nezvemba yavo pamusha apa, anomumisa achiti anoda kumbotaura naye ndokumubvunza kuti achiri kumuda here. Simon anoti kwazvo.

Vida anotanga kuchema kwava kukumbira ruregerero maererano nenyaya yekutadza kumupa mwana. Simon anomunyaradza, haana mhosva nevana vachauya zvavo. Vanogara vese vachidanana chete.

Apo Vida anoti zvaagumisira kutaura ndizvo zvainge zvataura naMai Mashumba, Simon ndokumuyambira kuti Mai Mashumba naMai Zipfende haavafariri nekuti vanotaurisa. Ndivo vainge vakataurira Vida kuti Jane akambenge ari musikana waSimon. Jane uyu anoda kusvotesa Vida.

Iri nyaya yevana, amai vaSimon vachazowana vazukuru vavachapiwa naGeorge, munin’ina wake kana aroora.

Paya panobuda Vida mumba mavamwene vake, vamwene ava vanotswinyira Jane ziso ndokunyomba Vida vachiti anoda kugara pamusha ipapo. Mari yemwanakomana wavo iri kuenda ichichema.

Mukukurukura kwavanoita, amai vaSimon vanoratidza kuti vaive nepfungwa yekuti Simon acharoora Jane, vachidana Jane nezwi rokuti “muroora” uyo anozovaudza kuti aona Simon achipinda mumba maiva naVida. Vamwene vanonyomba Vida vachiti apfigirana mumba naSimon.

Jane anooneka pakubuda mumba kwava kukanda ziso kumba kwaiva naSimon naVida, ndokumbobatwa nekashanje. Anombove nekapfungwa kekudaidza Simon ambokurukura naye asi zvinorambira parurimi.

Anobva ananga kumba kwaMai Mashumba kuti anonzwa kuti Vida aidei ndokuwana Mai Zipfende vatopirwa nyaya yezvainge zvataurwa naJane naMai Mashumba.

Pakutaurwa kwazvo panomuka kushoropodza Vida izvo zvinoita kuti Jane ade kuenda kunobvunza Vida nezvaanonzi akataura zvokuti Jane akarambwa naSimon iye Vida ndokuroorwa. Mai Mashumba naMai Zipfende vanomurambidza vachiti anga achida kubvunza zvinhu zvechokwadi here sekubvunza kwaanoitwa naMai Zipfende zvekuti Simon haamudi here.

Anobva abvunzwa kuti amai vaSimon vainge vomudanira chii kwava kudavirwa nemazwi azere kutsvinya. Mai Zipfende vanobva vati ngaasanyepe. Ngaaroorwe naSimon chete.

Ongororo:

Tinoona kushandiswa kwedzokororo yepfungwa kuti chinangwa chaSimon chinyatse kudzika midzi muhana maVida. Pokutanga tinomuona achiyambira Vida kuti achenjere zvinotaurwa naMai Zipfende naMai Mashumba achiti, “Vida, uchenjere zvinotaurwa naMai Mashumba naMai Zipfende. Madzimai iwayo handiadi ini” (26). Tinozomunzwa ava kudzokorora yambiro iyi zvakare apo anoti, “Madzimai iwayo anotaurisa. Uvachenjere Vida” (26).

Simon anoenderera mberi nekushoropodza madzimai aya achiti Jane akataura zvekudanana kwake naye achida kusvotesa Vida.

“Ihunyakwese madzimai iwayo. Saka ndati unofanira kuvachenjera Vida” (26).

Kudimikira kunoitwa kunoyanika nhuna dzevanhu vari munyaya. Amai vaSimon vakagumbuka zvikuru nemari yemwanakomana wavo iyo iri kungoparadzika pasina chayabatsira. (Enderero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links