Uncategorized

Simudzai heti dzemurara, ndakashaya yangu

30 Nov, 2018 - 00:11 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa
“HAMA simudzai heti dzemurara, ndakashaya yangu yakadaro!” Baba Harare vakataura mashoko akadzika kudarika mugodhi.

Kunzwa kwangu, Baba Harare vari kuti kune vamwe vanorarama nekutora zvinhu zvisiri zvavo. Pavanhu vakapfeka heti dzemurara, pane mumwe ane heti isiri yake. Pane munhu akapfeka heti iri kutsvagwa nemuridzi wayo, uye munhu wacho akapfeka heti isiri yake haana kana nyadzi nekuti ari kutopfeka heti isiri yake pakaungana vanhu.

Tisiri kutaura nyaya yeheti dzemurara, hazvityise kuti bhutsu yako inogona kukwana mumwe munhu, zvekuti mumwe munhu iyeye anogona kutoipfeka ikatomufita kukudarika. Asika, kufitwa nebhutsu yemumwe munhu hakuite kuti bhutsu iyoyo ive yako.

Ndakaona mumwe mukadzi achiyedza bhutsu yemumwewo mukadzi. Chikonzero chake chaive chekuti, “Ndiri kuda kuona kuti inondikwana here?”

Ko kana yakukwana zvozodii iyo isiri yako?

Kutorwa mwoyo nezvinhu zvevamwe vanhu kune dambudziko, kunourayisa.

Johani Mubhabhatidzi akafira nyaya yekuudza Herodhi akanga atora mukadzi wemunin’ina wake kuti “haubvumirwe kuti uve naye, ave wako.”

Kufanana naMambo Ndyire muna Pfumo Reropa, David akashandisa simba nechinzvimbo chake kuti atore mukadzi waYuriya.

Herodhi, Mambo Ndyire naDavid vamwewo vanhu vasiri iwewe. Vanhu ava vakatora zvinhu zvevamwe vakazviita zvavo. Ko iwewo zvii zvauinazvo zvisiri zvako? Zvinhu zvauinazvo wakazviwana sei? Unobvumirwa here kunge uinazvo?

Basa raunoshanda nderako here kana kuti pane aifanira kupinda asi iwe ukangozoripihwa usina kurishandira uye usingakodzere? Degree rawakaunganidzira vanhu muchipemberera unokodzera here kunge uchiti nderako uye une ruzivo rwunoratidza kuti wakarishandira?

Paunopihwa kiyi yekukiyinurisa musiwo, kazhinji kiyi iyoyo inenge isina kufanana nekiyi dzemimwe misiwo iri pedyo, kana misiwo iri kuseri.

Kazhinji kiyi haifanane nedzimwe dziripo nekuti kana ikafanana nedzimwe dziripo, panenge pasisina chikonzero chekukiya musiwo wako nekuti vamwe vanongouya vachikiyinura musiwo iwoyo kana iwe usipo.

Saka kana ukaona musiwo wemba yako uchikiyinurwa chero nekiyi yepacheni yebhasikoro, ziva kuti kiyi idzodzo hadzikubatsire kuti ufare kuti une kiyi dzinochengetedza zvinhu zvako.

Kune kiyi inondityisa, nekuti ikiyi inomutsa injini yezvivi. Injini yezvivi inomutswa nekiyi yekunge wabva pahupenyu hwakagara uye hunovimba naMwari, uchienda kunoita zvemusoro wako, izvo zviye zvinoda mwoyo wako. Chakabata hupenyu hwemuKristu anenge azvarwa patsva kuzviramba, kutaura kuti inini handisi chinhu, uye handina basa.

Saka nhai shasha, kanjiva kana comrade, uri kurarama hupenyu hwakaita sei, hunomutswa nekiyi yakaita sei?

Hupenyu hwako huri kuridza magitare ekurumbidza Mwari nezvinomufadza here kana kuti huri kukuchidzira huni dzerunako weave, bhachi nebhutsu dzako? Pamwe wakafanana nasekuru vangu Kwinto vanopfeka magirazi ezuva anonzi Ray Ban ari scratch resistant, anoita $250 yemari yekuAmerica.

Muhupenyu huno unovimba naani? Unovimba nekuronga, kufunga nekugona kwako here, zvekuti unonyatsozvinzwa kuti uri wega, uya uya anonzi nevakomana one ari ega?

Unovimba naMwari here kana kuti unozomushevedza mushure mekunge wapererwa?

Uri kufamba nenzira yakagadzirwa nevanhu here kana kuti yakafambwa naJesu? Ko porno dzauri kutumirwa, iwe uchitumirawo pafoni pako dzine chii chadzinobatsira?

Dzimwe kiyi dzikapinzwa pasiri padzo dzinotyoka. Usapedze nguva uchiita zvinhu zvisisina chinangwa chawakasikirwa naMwari.

Share This:

Sponsored Links