‘Simudzirai kwamunobva’

01 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
‘Simudzirai kwamunobva’

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VERUZHINJI – kunyanya vane mabhizimisi nevamwe vane zvigaro zvepamusoro – vari kukurudzirwa kuti vasimudzire nzvimbo dzavanobva muzvikamu zvakasiyana sezvedzidzo senzira yekudzorera kunharaunda. Kurudziro iyi yakaitwa nemumiriri weBuhera North mudare reNational Assembly, Cde William Mutomba apo vaiva pagungano revarimi iro rakaitirwa pamusha paVaDoubt Taranhike mubhuku raMakoto, kwaNyashanu, kuBuhera.

VaTaranhike vanonzi vari kushanda zvikuru mukusimudzira nyaya dzedzidzo mudunhu ravo.

“Chionai nhasi pano tine mwana wemuno muBuhera, wekuno kwaMukondomi iye Doubt Taranhike uyo anovazve muzvinabhizimisi. Akadzoka kuno kumusha kuzosimudzira dunhu rake.

“Nguva ino handidi kutaura nekuda kwezvenyaya yekurima izvo taunganira pano, asi kusimudzira uko ari kuita mabasa edzidzo muno, zvikoro zvedu zvave kudadisa nekuda kwavo,” vanodaro.

Vanotenda muzvinabhizimisi uyu nekuvakisa kwaakaita dzimba dzevadzidzisi nedzekudzidzira uyewo nekubatsira vana vanoshaya nemabhuku nezvimwe zvinodiwa kuchikoro.

“Tine zvikoro zvinosanganisira Mukondomi Primary nesekondari, Mombeyarara Primary nesekondari, Neshava Primary nesekondari, Chawatama Primary nesekondari, Mugwenhi Primary nesekondari nezvimwe izvo zviri kubatsirwa nemwana wemuno uyu nekuvakisa dzimba dzekudzidzira nedzevadzidzisi. Kune zvimwe zvacho, vakatenga nefenicha yekuti vana vagare,” vanodaro.

Vadzidzisi vepachikoro cheMukondomi Secondary vanonzi vakavakirwa dzimba sezvo vaimbogara kudzimba dzekuMukondomi Primary.

“Murume uyu anotengera vana mabhuku echikoro nezvinyoreso kune vanobva kumhuri dzinoshaya uyewo vana vanotsvunha nevadzidzisi vanogona basa. Vose vanopihwa mibairo nemikombe namuzvinabhizimisi uyu.

“Tine inonzi Taranhike Tournament yebhora rechikomana nerechisikana apo zvikoro zvinokwikwidzana mumitambo yakasiyana,” vanodaro Cde Mutomba.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tikawana vanhu vakadai vanokwana vashanu kana gumi, Buhera inotinhira nebudiriro. Izvozvi vadzidzisi vedu vanofarira kudzidzisa muzvikoro zvedu nekuda kwemurume uyu.”

VaTaranhike vanoti vacharamba vachisimudzira dzidzo mudunhu iri.

“Ndine zvandiri kuita zvakawanda muzvikoro kumapuraimari nemasekondari. Ndiri kuvakisa dzimba dzekudzidzira nedzevadzidzisi nekupa mabhuku nezvinyoreso zvevana. Vadzidzisi nyanzvi pabasa ndinovapa mibairo zvose nevana vanogona,” vanodaro.

Basa rose iri vanoti vanoriita vakabatana nemudzimai wavo, Christine Taranhike.

“Tava nemakore matanhatu tichibatsira zvikoro izvi uye ticharamba tichizvitsigira,” vanodaro.

VaIsaac Chikwekwete, avo vanomiririra makomiti emaSchool Development Committee (SDC) emuBuhera North, vanoti vanotarisira kuti vacharamba vachiwana vanhu vanobatsira munyaya dzedzidzo sezviri kuitwa naVaTaranhike.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey