‘Simudzirai matarenda evana’

07 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
‘Simudzirai matarenda evana’

Kwayedza

Malven Mugadzikwa —
MUKURU wedzidzo muHarare Metropolitan Province, VaChristopher Kateera, vanoti chirongwa chemakwikwi eDistrict Annual Sports, Science and Arts Festival (DASSAF) chinopa mukana wekuti vana vanenge vasingagone zvemabhuku muchikoro varatidze matarenda avo, izvo zvinokwanisa kuvapa raramo mune remangwana.

Vakataura mashoko aya svondo rapfuura pachikoro chePrince Edward pakupera kwemakwikwi ezvikoro zvepuraimari nesekondari zviri mudunhu reNothern Central, eDASSAF.

“Ndinofara zvikuru nematanho ari kutorwa nezvikoro zvematunhu akasiyana, kusanganisira Nothern Central mumakwikwi eDASSAF. Makwikwi aya akanangana nekutsvaga zvipo zviri muvana nekuzvisimudzira muzvikamu zvemitambo, sainzi nezvekuumba, kuveza nekudhirowa,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Mukuita makwikwi aya, vana vanohwinha nevanenge vasina vanodzidza zvakasiyana-siyana zvinosanganisira kuwedzera kugona pane zvavanenge vachikanganisa nekuti kusangana kwavo vachibva kuzvikoro zvakasiyana mukana wekuti vadzidze zvakawanda. Naizvozvo ndinoda kukorokotedza vose vahwinha ndichitiwo vasina varambe vachishingirira nekuti nguva inotevera ndezvavowo.”

Vanoti dingindira remakwikwi eDASSAF rekuti kuvandudza kudzidzisa nekudzidzwa kwehurongwa hweNew Curriculum kuburikidza nezvidzidzo zvakaita setsika nemagariro, rinobuditsa pachena kushanda kuri kuita hurongwa hweNew Curriculum mukuvandudza vana munyaya dzekugona muchikoro, kudzidza zveupfumi hwenyika, zvemagariro evanhu munharaunda pamwe chete nekuvakwa kwehunhu hwemwana.

Vanotizve DASSAF nezvimwe zvezvirongwa zviri pasi peNew Curriculum, zvinoita kuti vana vadzidzire kuzvitangira mabhizimisi avo pamwe nekuvapa mukana wekufunda zvakawanda zvine chekuita nekuumba ramangwana ravo.

“Ndinotenda bazi redzidzo yepuraimari nesekondari nebasa guru rariri kuita mukuvandudza kudzidza kwevana. Hurongwa hwebazi iri hweStrategic Plan 2015 to 2020 hunokurudzira vemasangano pamwe nemabhizimisi vane chekuita nezvedzidzo kuti vabatane mukukurudzira nekuvandudza dzidzo yevana,” vanodaro VaKateera.

Mashoko avo anotsinhirwa naDistrict Schools Inspector kuNothern Central, VaSolomon Mafukidze, vachiti zvikoro zvinofanira kubatana mukuona kuti vana vawana dzidzo yepamusoro.

“Tine basa guru muzvikoro rekuona kuti vana vawana zvakakwana mukudzidza kwavo. Vakuru vezvikoro vanofanira kushanda zvakasimba nematicha avo pamwe nevabereki kuona kuti zvirongwa zvakaita secheDASSAF zvabudirira.

“Mukuita zvirongwa izvi, mune muzvimhingamipinyi zvakawanda zvinosanganikwa nazvo asi zvinopedzwa chete kana vari kufambisa chirongwa ichi vakabatana. Vabereki vazhinji havasati vava neruzivo rwakakwana rwekuti mitambo nezvesainzi zvinoitwa mumakwikwi eDASSAF ndeimwe nzira yekudzidza nekuti zvinosimudza hunyanzvi nezvipo zvevana,” vanodaro.

Makwikwi eDASSAF anosanganisira mitambo, zvigadzirwa zvesainzi, gakava (debate), zvekuveza, kuumba nekudhirowa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey