Uncategorized

Simudzirai mwanasikana: Mutsvangwa

20 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Simudzirai mwanasikana: Mutsvangwa

Kwayedza

GURUKOTA reHurumende rinomira dunhu reManicaland, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti zvakakosha kuti mwanasikana awaniswe mukana wefundo sezvinongoitwa mwanakomana.Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika pachikoro cheKriste Mambo High School chiri kwaRusape apo vakapa chipo chemalaptops 16 ekuti vana vashandise muzvidzidzo zvemakombiyuta.

“Mwanasikana anofanirwa kusimudzirwa kubudikidza nenhaka yeruzivo rwemabhuku zvinova zvinotibatsira mukuderedza zvakaita sekushungurudzwa kwevanasikana nekuroodzwa kwavo vachiri mazera madiki,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoti malaptops avakapa kuchikoro ichi achabatsira vana muzvidzidzo zvemakombiyuta nekuita tsvakiridzo dzakasiyana.

“Vadzidzi vanofanirwa kufambirana pamwe neruzivo rwechimanje-manje uye malaptops aya achavabatsira zvikuru mukuita kwavo tsvakiridzo dzakasiyana,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Kubatsira kwandaita zvakare ikurudziro kuvana vechikoro kuti vashande nesimba, kunyanya vanasikana kuti vaitewo zvidzidzo izvo zvinonzi ndezvevakomana chete.

Sen Monica Mutsvangwa vaine vana vechikoro.

“Vanhukadzi ngatisimuke, timire tinzwikwe zvinova zvinoita kuti tive nemikana yakaenzana nevanhurume.”

Sen Mutsvangwa vanoti vakasarudza kupa malaptop aya kuchikoro cheKriste Mambo nekuda kwekuti gore negore chikoro ichi chiri kubura shasha dzedzidzo.

“Ichi chikoro chinomira-mira chaizvo mune zvekuverenga nekunyorwa kwemabhuku, ndizvo zvakaita kuti ndichisarudze. Asi, hazvirevi kuti zvimwe zvikoro hazvina vana vanotsvunha.

“Ndinoti kune mwana wose wechikoro, dzidzo inhaka isingapere saka shandai nesimba nekuti ndimi vatungamiri vemangwana. Tinodawo machiremba muzvipatara, maengineer nevanoona nezvemamiriro ekunze,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, gurukota reposvo nedzinhare, Cde Supa Mandiwanzira, vanoti vana vechikoro vanofanirwa kuve neruzivo rwemakombiyuta nekushandisa dandemutande mukuita tsvakiridzo yezvidzidzo zvavo.

“Mukurarama kwatiri kuita zuva nezuva, Information Technology iri kushandiswa pasi rose. Naizvozvo, ndinokurudzira vechidiki kuti vashandise dandemutande nemazvo, nyanye mukurodza pfungwa nekuziva zvinenge zvichiitika pasi rose,” vanodaro Cde Mandiwanzira.

Share This:

Sponsored Links