‘Simudzirai zvipo zvevana’

08 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
‘Simudzirai zvipo zvevana’ First Lady Amai Mnangagwa vachipa vana zvipo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MUDZIMAI wemutungamiriri wenyika, First Lady Amai Auxillia Mnangagwa, vanoti mwana wose anozvarwa aine chipo chake icho chinofanirwa kusimudzirwa nekuwaniswa dzidzo. Vakataura mashoko aya svondo rapera apo vaitambidza vana vanotambura vanogara kumisha inochengetwa nherera vanodarika 500 zvipo zvakasiyana vari padandaro revana, paLongchen Mall Amusement Park, muHarare.

Pachiitiko ichi – icho chakarongwa nemahofisi anomirira nyika yeChina muZimbabwe – vana vakapihwa zvipo zvinosanganisira magumbeze nechikafu.

“Chiitiko ichi chinoratidza kuendeka kwehushamwari hweZimbabwe neChina uye ndinofara zvikuru kuti chave nemakore mashanu chakatanga. Gore negore vana vanobva kumisha yakasiyana inochengetwa nherera vanowaniswa rubatsiro neChina. Ndinotenda zvikuru nerudo rwenyu,” vanodaro.

Vanoti vana vose vanozvarwa vaine zvipo izvo vanenge vakapfumbata, nokudaro zvinofanira kusimudzirwa kuburikidza nedzidzo.

“Tinoda vana vanoita shungu nedzidzo kuti vabudirire nekuti kuburikidza nedzidzo, munokwanisa kuzova vanhu vane mabasa epamusoro uye hazvinei nekuti wakakura uchitambura zvakadii. Hatidi kuti muwanikwe muchitora zvinodhaka. Chokwadi chaicho vanangu ndechekuti misikanzwa nekusaterera hazvina kwazvinokusvitsai muupenyu,” vanodaro Amai Mnangagwa.

Vakatorawo mukana uyu kuyambira vasikana vechidiki kuti vasamhanyire kuita zvepabonde asi kuti vavavarire kuwana dzidzo inova nhaka yeupenyu.

Vachitaura pachiitiko chimwe chete ichi, mumiririri weChina muno, Ambassador Huang Ping, vanoti zvakakosha kuti mwana mumwe nemumwe awaniswe mukana wekudzidza.

“Tine zvinangwa zvimwe chete zvekuti tinge tichigadzira ramangwana rakajeka revana pasina nyaya dzerusarura rweganda, rudzi, zvinamato kana nhoroondo yeupenyu. Tinoda kuti vana vatsigirwe zvakasimba nekuti ndivo vanoumba ramangwana rakajeka,” vanodaro.

Zvimwe zvipo zvakapihwa kuvana nherera ava zvinosanganisira mafuta ekubikisa, furawa, mabhora ebasketball neenhabvu.
Mimwe yemisha yakawana rubatsiro urwu inosanganisira Martha and Mary Orphanage, Danai Children’s Home, Harare Children’s Home, North Court Children’s Home, Matthew Rusike Children’s Home neSt Joseph.

Share This:

Sponsored Links