Sinclair ochemera kutamba

05 Sep, 2014 - 09:09 0 Views

Kwayedza

MUTAMBI weManchester City Scott Sinclair anoti achabva kuchikwata ichi kana akasapihwa mukana wakakura wekutamba.
Mutambi uyu, uyo ane makore 25 ekuberekwa, akatengwa neCity mugore ra2012 achibva kuSwansea asi ari kukundikana kupinda muchikwata ichi, izvo zvakamuona achitamba katatu chete mumakore maviri adarika.

Gore radarika, akaendeswa kuWest Brom nechikwereti uko akakwanisa kutamba ka11 chete.

Mwaka uno Sinclair angotamba mutambo mumwe chete apo City yakakundwa 3-0 neArsenal mumutambo weCommunity Shield ligi reBarclays Premier League risati ratanga.

“Ini hangu chandiri kutsvaga kutamba mitambo yakawanda yandinokwanisa – handizive kuti ramangwana rangu rakamira sei,” Sinclair akadaro. “Kana maneja akandipa mukana wekutamba wakakura ndingafare uye handimbofunge zvekubva.

“Asi kana zvisirizvo, ndinobva hangu ndotsvaga kumwe kwekuenda uko ndinopihwa mukana wekutamba.

“Ndiri kungotora mitambo yese sekuuya kwayo. Ndakwanisa kutamba mitambo yakawanda papre-season apa saka ndinofunga kuti zvicharamba zvakadaro”.

Sinclair haasi ega mutambi wenhabvu chizvarwa chekuEngland ari kutatarika mumutambo uyu kubva paakatengwa nechikwata ichi.

Jack Rodwell akatengwa neCity kubva kuEverton mwedzi mumwe chete naSinclair asi akabva svondo radarika achienda kuSunderland mushure mekutamba ka25 mumakore maviri.

“Ndakwanisa kutamba mitambo yakawanda mupre-season izvo zvinova zvandinoda,” Sinclair akadaro.

“Ndanga ndichitamba nguva refu uye ndikakwanisa kunwisawo zvekare.” – Sky Sports News.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>