‘Siyai vana vakure, kwete kuvaroodza’

20 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
‘Siyai vana vakure, kwete kuvaroodza’ Judith Dembetembe Chiyangwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MASANGANO anomirira kodzero dzevanhukadzi anoti ari kushushikana nekuroodzwa kuri kuitwa vamwe vanasikana vasati vabva zera izvo zvinoita kuti vasiire chikoro panzira zvichizokanganisa remangwana ravo. Mashoko aya akabuda pamusangano wakaitwa nemasangano aya muHarare nguva pfupi yadarika.

NYARADZO MASHAYAMOMBE

Nyaradzo Mashayamombe, uyo anotungamirira Tag A Life, anoti vanasikana vanoroodzwa vasati vabva zera kashoma kuti vawanikwe vachizodzokera kuchikoro nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

“Imhosva huru kuroodza vana zvisinei nekuti hakusati kwava nemutemo wakazvimirira unotarisa nyaya idzi. Vapari vemhosva vachiri kungobatwa bedzi nemutemo wezvemhirizhonga. Zvisinei nekuti Hurumende inoti vana vose – kusanganisira vanenge vamitiswa – vanofanira kudzokera kuchikoro, danho iri harisi kutevedzwa nepamusaka pekuti vana ivavo vanenge vatova nemumwe mutoro wekurera vana izvo zvinoita kuti vakundikane kuwana mari nemukana wekuti vaendezve kuchikoro,” anodaro Mashayamombe.

Mashayamombe anoti vabereki vanofanira kushingairira kuti vafundise vana vavo nekuti muzvikoro ndimo mavanowaniswa dzidziso maringe nekuipa kwenyaya dzekuroorwa vachiri vadiki.

“Kana mubereki akakundikana kufundisa mwana wake pakutanga, hationi achizokwanisa kumupa mumwe mukana wepiri – kunyanya kana achinge aroorwa – nekuti mutoro unenge watokura.

“Mamwe ematambudziko ari kuita kuti vabereki varoodze vana anosanganisira nzara, hurombo, kushaya ruzivo, zvitendero semamwe makereke echipositori apo vana vanoroodzwa kumadhara kana nyaya dzezvigadza mapapfihwa nekuripa ngozi,” anodaro.

Dorcas Makasa Kanyimo, anova director weWomen and Law in Southern Africa Research and Education Trust, anotiwo kune vanasikana vari kuroodzwa vasati vasvitsa makore 18 okuberekwa sezvinotarisirwa pasi pemutemo weZimbabwe izvo zvinoita kuti vasangane nenyatwa yekutapurirwa utachiona hweHIV apo vanopindwa navo pabonde zvechisimba.

“Vana ava miviri yavo inenge isati yasimba kuti vapinde munyaya dzepabonde uye vanenge vasati vava kuziva nyaya dzekurera mhuri. Nokudaro vazhinji vavo vanopinda mumatambudziko aya vanosiira chikoro panzira nepamusaka pekuti vanenge vava nepamuviri uye vabereki vavo vanovadzinga pamba,” anodaro.

Anoti mugore ra2016, dare reConsitutional Court rakapa mutongo wekuti munhu ane makore 18 okuberekwa zvichikwira chete ndiye ane kodzero yekupinda muwanano.

“Zvisinei nemutemo uyu, pachine gakava pamutemo weSection 78 uyo unoti munhu ane makore 18 zvichikwira bedzi ndiye anokwanisa kuita mhuri. Chikamu chemutemo uyu hachina kunyatsojekesa kuti zvinorevei kuti kuita mhuri. Nokudaro Section 78(1) inotara makore 18 seakakodzera kuti munhu ange achipinda muwanano uye imhosva kune vanobatsira muwanano yepwere dziri pasi pemakore aya, zvisinei nekuti zviri kuitwa netsika yechivanhu kana kumakereke,” anodaro.

Anotizve wanano yechivanhu yakadai – seCustomary Marriage Act Chapter (5:07) – haina makore akatarwa kuti munhu akodzere kupinda mairi nokudaro vatongi mumatare edzimhosva havanyore magwaro ewanano kuvanhu vari pasi pemakore 18.

Abigail Matsvayi Pasipanodya — uyo anova director wesangano reZimbabwe Women Lawyers Association (ZWLA) – anoti mitemo yewanano ngaikurumidze kubatanidzwa (harmonised) kuti nyika ikwanise kurwisa nyaya dzekuroodzwa kwevana uye kuwaniswa kwemagwaro ekuzvarwa kuitwe nenguva nekuti matare edzimhosva anoda humbowo hwemakore hunobatika kana kodzero dzevana dzichinge dzambunyikidzwa. Kuchiti Judith Dembetembe Chiyangwa, anovawo director wesangano reGirls Legacy, anoti vanakomana vari panyatwawo dzekuroodzwa nekudaro mutemo unotarisa mativi ose.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey