Uncategorized

‘Siyai vatori venhau vaite basa’

26 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
‘Siyai vatori venhau vaite basa’ VaDongozi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
Munyori mukuru kusangano revatori venhau – reZimbabwe Union of Journalists (ZUJ) — VaFoster Dongozi, vanoshoropodza nyaya dzemhirizhonga kuvatori venhau apo vanenge vachiita basa ravo.

“Tiri kuramba tichisangana nematambudziko erudzi urwu apo vatori venhau vanofungirwa sevanhu vanenge vakarerekera rumwe rutivi nyambisirwa vanenge vachiita basa ravo. Vatori venhau basa ravo chete nderekunyora nyaya sezvadziri pasina kurerekera kune rumwe rutivi sezvinogona kufungirwa neveruzhinji munharaunda.

“Tine hurongwa hwatiri kuita neHurumende uye nemapurisa kuti pave nekuvandudzwa kwemitemo inochengetedza vatori venhau. Hatiwirirane nevanhu vane katsika kekutyisidzira vatori venhau kana kuda kuvarwisa nekuti pamutemo itori mhirizhonga iyoyo, imhosva huru inoendesa kujeri. Vanhu vakadai vanofanirwa kumhan’arirwa kumapurisa kuti varangwe nemutemo,” vanodaro VaDongozi.

Share This:

Sponsored Links